Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vanodarika Zviuru Zviri Vofa neKudengenyeka kweNyika muTurkey neSyria


Turkey
Turkey

Kudengenyeka kwenyika kwaitika mangwanani anhasi muSyria neTurkey kwauraya vanhu vanodarika zviuru zviiviri ne nemazana matatu kana kuti 2,300.

Mutungamiri wenyika yeTurkey VaRecep Tayyip Erdogan vanoti vanhu mazana mapfumbamwe negumi nevaviri 912 vafa uye vamwe zviuru zvishanu nemazana mana vakafa.

Vanoti hurongwa hwekutsvaga vamwe vanhu vanogona kunge vaondomokerwa nemidhuru inosvika zvouru zviviri nemazana masere huri kuenderera mberi.

Syria inoti vanhu mazana matatu nemakumi maviri nevatanhatu kana kuti 326 vafa kudivi riri pasi pehurumende vamwe zana vakafa kunzvimbo yakapandwa nevakapandukira hurumende.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG