Accessibility links

Breaking News

Pope Francis Vopeta Rwendo Rwavo kuAfrica


Pope Francis nhasi vapeta rwendo rwavo kuSouth Sudan vachikurudzira vanhu kuti vasave neruvengo mumoyo yavo kuti vabudirire mukuunza runyararo nebudiriro zvavatadza kuwana kwemakore akawanda zvadeura ropa rakawanda mukurwisana kwemarudzi.

Pope vataura mashoko aya pedyo nepakaradzikwa VaJohn Garang, gamba renyika iyi rakafa mushure mekunge chikopokopo chavo chadonha muna 2005 nyika iyi ine makristu akawanda isati yawana rusungunuko kubva kuSudan ine vatenderi vechiMuslim vakawanda mina 2011.

Vanhu vanodarika zviuru mazana manomwe vange vakaungana Pope vachitaura uye vange vachiimba nekuridza ngoma. Kubva South Sudan zvayawana kuzvitonga kuzere, vanhu zviuru mazana mana vafa muhondo pakati pehurumende nevakaipandukira.

Pope vakashanyirawo DRC iyo ine vatenderi vekereke yavoyeRoma vakawanda kudarika dzimwe nyika dzepasi rose vakataura pamberi pevanhu vanodarika miriyoni imwe chete.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG