Accessibility links

Breaking News

Pasi Rose Rinocherechedza Zuva reWorld Cancer Day WHO Ichiti Gomarara reMazamu Ndiro Riri Kunyanya Kuuraya Madzimai


Zuva reWorld Cancer Day Rinocherechedzwa pasi rose.
Zuva reWorld Cancer Day Rinocherechedzwa pasi rose.

Pasi rose rabatana mukucherechedza zuva regomarara, kana kuti World Cancer Day, sangano reWorld Health Organization, WHO, richikurudzira kuti patorwe matanho ekupedza gomarara remazamu, kana kuti breast cancer, iro rinonzi ndiro gomarara rakanyanya kupararira uye riri kutungamira mundufu dzevanhukadzi.

Gore roga roga madzimai anodarika 2.3 million ari kuvhenekwa achiwanikwa aine chirwere ichi, uye vanoda kusvika kumazana manomwe ezviuru, kana kuti 700,000, vanofa nekuda kwechirwere ichi.

Gomarara remumazamu rinonzi rinonyanya kubata madzimai emunyika dzine mari shoma kana kuti dziri pakati nepakati.

Vakuru ve WHO vanoti madzimai ari munyika dzine hurombo hwakanyanyisa haanyanye kurarama kubva kudenda iri zvichienzaniswa nemadzimai emunyika dzakapfuma.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG