Accessibility links

Breaking News

Makakatanwa muMDC Pakati paVaMwonzora neNhengo Nomwe Dziri Kupikisa Kudomwa Kwavo seMutungamiri Oenderera Mberi


Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora.
Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora.

Makakatanwa mubato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora ari kuramba achienderera mberi zvichitevera mutongo unonzi nebato iri wakapiwa nedare repamusoro nemusi weChina wekuti hapana charakatsautsira pakuda kuranga nhengo nomwe dzakatyora mutemo webato iri.

MDC yakazivisa kuti yakanga yave kumbomisa kuve nhengo VaElias Mudzuri, VaNorest Marara, VaGift Konjana, VaJohn Nyika, VaEdwin Dzambara, VaEdwin Kakora naVaDen Moyo, ichiti vanomwe ava vakatyora mitemo yebato iri mushure mekunge vati havacherechedzi kudomwa kwaVaMwonzora semutungamiri webato, vachiti hapana kutevedzerwa bumbiro remitemo pakuita kongiresi yakavadoma.

Asi nhengo nomwe idzi dzakabva dzakwira kudare reHigh Court nemusi weChitatu dzichipikisa danho reMDC iri, dare rakazogara nemusi weChina richipa mutongo waro, uyo uri kutsanangurwa zvakasiyana nemapoka maviri aya, ava vachiti mutongo uri kuvatsigira, avawo vachiti mutongo uri kuvatsigira.

VaElias Mudzuri.
VaElias Mudzuri.

Zvichitevera mutongo uyu, MDC yaVaMwonzora yakabva yazivisa vatori venhau kuti ichamisa pamberi pekomiti inoranga vanenge vatsautsira mubato, kana kuti disciplinary committee, nhengo nomwe idzi.

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC, VaChengetai Guta, vanoti mutongo uyu wakapa masimba kubato ravo kuti rimise pamberi pekomiti iyi nhengo idzi kuti dzizvimirire nekuzvidzivirira dzega pamhosva yadziri kupomerwa.

Asi mumwe wenhengo nomwe idzi, VaMarara, vanotiwo manyepo ekuti dare rakapa mutongo unotsigira VaMwonzora nevamwe vavo, vachiti chikwata chavo ndicho chakakunda sezvo mutongo wakapiwa nedare iri uri wekuti vatange vagadzirisana pachavo.

Vanoti nekuda kwaizvozvo havasi kuzomira pamberi pekomiti ipi zvayo kusvika vagadzirisa gakava ravo sezvakatarwa nedare.

Studio 7 haina kukwanisa kuona mutongo wedare uyu sezvo uri kunzi uchapiwa kumapoka maviri aya nemusi weMuvhuro.

Hurukuro naVaChengetai Guta
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naVaNorest Marara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG