Accessibility links

Breaking News

Sangano reVemabhizimusi vekuAmerica reU.S. Chamber of Commerce Rinoparurwa muHarare


American Chamber of Commerce
American Chamber of Commerce

Mamwe makambani emuAmerica anonzi ari kuratidza chido chekuita mabhizimusi muZimbabwe zvichitevera kuparurwa nemusi weChitatu muHarare kwesangano reAmerican Chamber of Commerce mHarare.

Sachigaro vesangano iri, Va Marc Holtzman, vakati aya ndiwo mavambo ezvizhinji zvichatevera.

Nyika yeZimbabwe inonzi nevamwe muhurumende nemubato riri kutonga reZanu PF yagwadamiswa nezvirango zvehupfumi zvayakatemerwa neAmerica izvo vanoti zviri kukuvadza nyika.

Asi America inoti zvirango zvehupfumi izvi hazvina kutemerwa nyika, asi kuti vashoma vari kuita zvehuwori pamwe nekutonga nedemo.

Nyanzvi yezvehupfumi nekudyidzana kwenyika dzepasi rose vachidzidzisa ku Devry University ku Ohio, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti izvi zvinoratidza kuti America ine chido neZimbabwe, kwete zvinotaurwa nevamwe kuti iri kuda kugwadamisa nyika.

Hurukuro naMuzvinafundo Elliot Masocha
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG