Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votarisirwa Kuisara Runyoro paBhiri Rekuvandudza Mashandiro eMasangano Akazvimirira Riri Kushorwa neVakawanda


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Sangano rakazvimirira roga richiongorora mashandiro eparamende reVeritas rinoti bhiri rekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira roga rakapaswa mudare reSenate nezuro nhengo dzose dzichitenderana kunze kwaVaMorgan Komichi veMDC chete rave kuendeswa kune vanodhinda magwaro ehurumende kana kuti Government Printers.

VeGovernment Prinetsr ava vachadhinda magwaro matatu ayo achaendeswa kumutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa kuti vaise runyoro rwavo obva wavamutemo.

Asi mutemo uyu uri kupa kuti pakandiranwe makobvu nematete pakati pehurumende nevanopikisa. Nunurai Jena anotipa nyaya inotevera.

Sachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa vanoti kupasiswa kwebhiri iri kunoratidza kuti matare eparamende neSeneti haana simba sezvo asingakwanise kupikisa mitemo yavanoti yehudzvinyiriri.

VaMutasa vanoti vari kuona mamwe masangano achivharwa nekuda kwemutemo uyu.

Asi mukuru wesangano reZimbabwe Human Rights NGO Forum Dr Musa Kika vati mutemo uyu hausi wekumisa mangano akazvimirira oga kushanda asi kunyoresa sezvinenge zvodiwa nehurumende.

Izvi zvinotsigirwa nemukuru wesangano rakazvimirira reYouth and Community Development, VaClaris Madhuku.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti bhiri iri rakanaka vachiti ramirira kusainwa naVaMnangagwa kuti uve mutemo.

VaParadza vati masangano ari kuita zvavanoti zviri pamutemo haana chekutya. Vanoongorora a nyaya dzezvematongerwo enyika VaRejoice Ngwenya vanoti kana bhiri iri rikava mutemo, vanhu vanogona kukwira kudare reConstitutional Court kunoupikisa nekuti unenge isngaenderane nebumbiro remutemo.

Kuti uve mutemo bhiri iri rinofanirwa kusainwa naVaMnangagwa mukati memazuva makumi maviri nerimwechete kusaita izvi zvinoreva kuti rinodzokera zvakare kuparamende neSeneti kuti rizeyiwa patsva.

Pari kutyirwa kuti nekuda kwemutemo mutsva uri kuda kudzikwa uyu, Zimbabwe icharasikirwa nemari yakawanda kubva kumasangano anopa rubatsiro zvichapa kuti varombo kunyanya vanonge svosve nemuromo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

‚Äč
XS
SM
MD
LG