Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Yakagadzirira Kubatsira Vanoda Kudzokera kuZimbabwe Panopera Kushanda Mapepa eZEP ekuSouth Africa


Ambassador David Hamadziripi
Ambassador David Hamadziripi

Mumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi vaudza vatori venhau neveruzhinji muPretoria kuti muzinda wavo wakagadzirira zvakakwana kubatsira zvizvarwa zve Zimbabwe zviri kuda kudzokera kumusha mukupera kwa Chikumi gore rino pachamiswa magwaro ekushandisa eZimbabwe Exemption Permits nehurumende ye South Africa.

Va David Hamadziripi
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:00:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kusvika zviuru mazana maviri nemakumi masere zvinoshandisa magwaro eZEP aya uye zvizvarwa zveZimbabwe ndizvo zvakwanisa kunyorera kuti zvpihwe magwaro matsva. Mamwe masangano akaita seHelen Suzman Foundation neZEP Holders Association akatoendesa hurumende yeSouth Africa kumatare achipikisa danho rekumisa kushanda kwemapepa aya.

Vahamadziripi vati muzinda wavo uchashandisa mwedzi uno wa kukadzi neunotevera kunyoresa vanoda kudzokera kumusha vachivimbisa kuti hurongwa hutoripo hwe hurumende yeZimbabwe hwekudzorera vese vanoda kudzokera kumusha pasi pehurongwa uhwu.

Muzvare Diana Zimbudzana vanoshanda nesangano reAfrican Diaspora Forum rinomiririra zvizvarwa zvekunze kwenyika mu South Africa vaudza Studio 7 kuti hurongwa hwaparurwa ne muzinda weZimbabwe mu South Africa hwakanaka kana vakazadzisa zvavavimbisa.

Hurukuro na Muzvare Diana Zimbudzana
please wait

No media source currently available

0:00 0:00:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG