Accessibility links

Breaking News

Muzinda weZimbabwe muSouth Africa Woita Musangano neVatori veNhau weKuparura Hurongwa hweKubatsira Vane Magwaro eZEP


Zimbabwe Embassy in South Africa Invitation
Zimbabwe Embassy in South Africa Invitation

Muzinda weZimbabwe uri muPretoria muSouth Africa uri kukoka vatori venhau nenguva dza 12 masikati nhasi kumusangano wekuparurwa kwechirongwa chekuongorora kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvine magwaro eZimbabwe Exemption Permit zvinoda kudzokera kumusha zvingabatsirwa sei?

Gwaro rakaburitswa nezuro nemuzinda uyu rinoti musangano uyu uchange uchikokerwa nemumiriri weZimbabwe muSouth Africa, VaDavid Hamadziripi, uye uchaiitirwa pamuzinda weZimbabwe uri panhamba 798 Merton Avenue, muArcadia makare muPretoria.

Magwaro eZEP ari kuguma kushanda musi wa 30 Chikumi gore rino uye zvizvarwa zveZimbabwe zvinoda kusvika kuzviuru zana nemakumi masere, kana kuti 180 000 zviri pamagwaro aya zvinenge zvakundikana kugadzirisa magwaro anozvibvumidza kuramba zviri munyika iyi zviri pamutemo zvakatarisana nekudzoswa kumusha.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG