Accessibility links

Breaking News

PVO Bill Rakonzera Mutauro Pasi Rose Ropasiswa neSenate


Dare reSenate nezuro rakapasisa bhiri rekuvandudza mutemo wemashandiro emasangano akazvimiririra kana kuti Private Voluntary Organization Bill (PVO-Bill pasina kana chavandudzwa. Bhiri iri riri kushorwa zvikuru nevanopikisa nemasangano akazvimirira oga munyika nekunze uye mamwe mapazi eUnited Nations.

Mudare reSenate Senator Morgan Komichi vebato reMDC-T vaudza Studio 7 kuti nhengo dzeZanu-PF kunyanya dzainge dzichiti mutemo uyu upasiswe sezvo uchibatsira kuti vemasangano akazvimirira oga vasashandiswe mukupidigura hurumende.

Asi vanopikisa vaiti masangano aya ashanda munyika kwemakore akawanda pasina kana kuidigura hurumende uye vachiti unotyora kodzero dzevanhu. Mutemo uyu unopa hurumende masimba ekuongorora kuti maasangano akazvimirira anoshandisa sei mari yaanowana uye kuitora kana akafungidzirwa kuti haasi kuita zvavanosungirwa kuita. Kubatsira mapato anopikisa kuchange kwave kunetsa sezvo hurumende iri kuvhara mikana yose yekuti pawane sangano rinovabatsira.

Vanhu vanonzi kunyangwe vakada kutsvaga mabasa ekubatsira dunhu vanofanira kutanga vanyoresa sesangano rakazvimirira roga.

Vanorwira kodzero dzevanhu vanotiwo mutemo mutsva uyu watotanga kuomesera varombo vanorarama nerubatsiro rwunobva kunze kwenyika. Gurukuta rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vakazivisa gore rapera pavaiparura bhajeti regore rino kuti mari inobva kunze ichaderera nezvikamu makumi mashanu kubva muzana.

World Bank inoti masangano akazvimirira anobatsira vanhu nemari inoda kusvika bhiriyoni imwe chete kana kuti US$1 billion, hurumende inobatsira nemari inosvika mamiriyoni makumi mapfumbamwe kana kuti US$90 million. Vanhu vanosvika zviuru gumi nemasere vanogona kurasikirwawo nemabasa kana PVO Bill yavamutemo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG