Accessibility links

Breaking News

VaLukashenko Vopeta Rwendo Rwavo kuZimbabwe Nekushanyira Vic. Falls


VaEmmerson Mnangagwa naVaAlexander Lukashenko
VaEmmerson Mnangagwa naVaAlexander Lukashenko

Mutungamiri wenyika yeBelarus VaAlexander Lukashenko avo vange vachishanya muZimbabwe kwemazuva matatu vasimuka nhasi vakananga kunyika kwavo mushure mekunyorerana zvibvumirano zvekudyidzana neZimbabwe.

Vasati vasimuka, VaLukashenko vashanyira mapopoma eVictoria Falls nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Asi rwendo rwaVaLukanshenko avo vanodyidzana zvakanyanya neRussia rwakonzerawo mutauro wakanyanya munyika nekunze.

Hurumende yeZimbabwe iri kupembedza kushanya kwavo ichiti kuchasimudzira hupfumi hwenyika sezviri kutaurwa negurukota rezvemaindustry, Doctor Sekai Nzenza.

Izvi zvatsigirwawo nevanokokera bato reZanu-PF mudare reparamende vachimirira Gutu VaPupurai Togarepi vati Zimbabwe neBelarus dzinehukama hwakasimba.

Izvi zvatsigirwa nemutungamiri webato reDemocratic Party Doctor Wurayai Zembe vaudza Studio 7 kuti nyika mbiri idzi dzave nemakore dzichinyorererana zvibvumirano asi pasina chiri kubuda.

Pakatanga hondo pakati peUkraine neRussia, Belarus iyo yaimbova mumubatanidzwa weSoviet Union yakati iri kutsigira Russia. Izvi VaZembe vayambira kuti zvinogona kukanganisa zvikuru kudyidzana kweZimbabwe nedzimwe nyika dzisiri kufara nekuda kupambwa kweUkraine neRussia.

VaLukasheno avo vakatanga kutungamira Belarus muna 1994 vanopomerwa mhosva dzekutyora kodzero dzevanhu uye kubirira sarudzo. Munyika iyi mutungamiri wenyika anokwikwidza kwemakore aanoda.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu reFreedom House rinoti musarudzo dza2020 vanopikisa munyika iyi vakaita saSiahei Tsikhanouski na VaVikktar Babaryka vakasungwa kwasara zuva rimwe chete kuti sarudzo dziitwe uye mumwe aikwikwidza Valer Tsepkalo akamanikidzwa kuenda muhupoteri nehurumende yaVaLukashenko.

VaLukashenko vakanzi vakunda sarudzo idzi nezvikamu makumi masere kubva muzana asi dzainge dzisina kana vaongorori bvekunze kusanganisira veSecurity and Co-operation in Europe vaanonoka kudaidzwa.

Muna 2021, hurumende yeBelarus yakavhara masangano akazvimirira oga mazana maviri nemakumi manomwe kana kuti 271 ndokusunga vatori venhau vanodarika makumi matatu nevaviri.

Belarus yakashorwawo mushure mekumanikidza ndege yeRynair yaibva kuAnthens ichienda kuVilnius kumhara zvechimbichimbi muguta guru renyika iyi reMinsk ndokusunga anopikisa hurumende iyi Raman Pratasevich. Izvi zvakapa kuti nyika dzemuEurope dzirambidze ndege dzemuBelarus kupinda munyika madzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG