Accessibility links

Breaking News

ZIMSTAT Inoti Vakawanda Vari Kushandisa Madhora ekuAmerica Kutenga Asi Vachitambira Mari yemuNyika


Muzvinafundo Mthuli Ncube
Muzvinafundo Mthuli Ncube

Ongororo yakaitwa nesangano reZimbabwe National Statistical Agency, Zimstat, inoratidza kuti kunyangwe vashandi vakawanda vachiri kutambira mari yemunyika, zvinhu zvizhinji zviri kutengwa zvinoda mari yekunze.

Vachitura ongororo dzavakaita munyaya yekukwira kwezvinhu, kutenga nekutengeserana, nemari ingadiwa nemunhu kuti awane zvekudya zvakakwana, muHarare nhasi, mukuru weZimStat VaTaguma Mahonde vati vakaona kuti vanhu vari kushandisa mari yekunze kunyanya pakutenga zvekudya.

Mutungamiriri weZimbabwe Congress of Trade Unions, Amai Florence Mucha Taruvinga vati kushandiswa kwemari yekunze uku ndiko kuri kupa kuti vashandi vade kutambiriswa nemadhora ekuAmerica.

Asi gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti hurumende haina mari yekunze yekupa vashandi vayo. Vanotiwo dhora remunyika harisi kuzosendekwa parutivi sezvakamboitwa muna 2019.

Vachitaura neStudio 7 nyanzvi munezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara vati veruzhinji vanoda kushandisa mari inoramba iine huremu.

Vachipa ongororo yezvekutenga nekutengeserana, VaMahonde vatiwo mumwedzi waZvita Zimbabwe yakatenga zvinhu zvakawanda kubva kunze kwenyika zvichienzaniswa nezvayakatengesa kunze kwenyika izvo zvakasiya gwanza rinonzi pachirungu trade deficit.

VaChitambara vati hupfumi hwenyika haugoni kukwirira kana Zimbabwe ikaramba ichitenga zvinhu zvakagadzirwa nechekare kunze kwenyika.

Ongororo yeZimStat yaratidzawo kuti munyaya dzekutenga nekutengeserana nedzimwe nyika, Zimbabwe iri kunyanyotengesera South Africa, United Arab Emirates neChina ukuwo iyo ichinyanyotenga kubva kuSouth Africa, Singapore neChina.

VaMahonde vatiwo mumwedzi waNdira , kuti munhu anzi akwanisa kuwana zvekudya zvine hutano hunodiwa 2100 kalories, anoda madhora emunyika zviuru makumi maviri nemazana matatu nemakumi maserene mashanu kana kuti ZWL$20375.

ZimStat inoita ongororo idzi kuti ibatsire hurumende nemapazi ayo neruzivo rwezvinenge zvichiitika.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG