Accessibility links

Breaking News

Sangano Rinomirira Vashandi vemuMapurazi, reHGAPWUZ, Roshushikana neKurohwa kweVashandi naMuzvinapurazi VaZhanda


Vashandi vemumapurazi vanonzi vanotambira mihoro iri pasi zvakanyanya.
Vashandi vemumapurazi vanonzi vanotambira mihoro iri pasi zvakanyanya.

Rimwe sangano rinomirira vashandi vemumapurazi, reHorticulture, General Agriculture and Plantations Workers Union of Zimbabwe, HGAPWUZ, rinoti riri kushushikana zvikuru nekurohwa pamwe nekuzvidzwa kwevamwe vashandi vatatu vepapurazi nemuridzi wepurazi iri VaPaddy Zhanda Junior.

VaZhanda, vanove mwanakomana wevaimbove mutevedzeri wegurukota rezvekurima, VaPaddy Zhanda, vanoonekwa vachirova zvakaipisisa vashandi vavo vanoti VaDickson Nyatadzi (34), Amai Nyasha Samalani (30) naAmai Loveness Madziva (29), vachivapomera mhosva yekuba mbatatisi.

Mapuisa akazivisa kuti VaZhanda vakatosungwa nenyaya iyi uye vakatomiswa pamberi pematare edzimhosva.

Mapurisa akatiwo vashandi vatatu ava vachatongwawo nemhosva yekuba yavari kupomerwa.

Munyori anoona nezvirongwa musangano reHorticulture, General Agriculture and Plantations Workers Union of Zimbabwe, VaVengai Mshingaidze vanoti sesangano rinomirira vashandi vemumapurazi, vanokurudzira vashandirwi kuti vasaisa mutemo mumaoko avo.

VaMashingaidze vanokurudzirawo vashandi kuti vasaba pamabasa kunyange hazvo zvinhu zvakaoma kunze uko.

Vamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti mihoro iri pasi pasi inotambiriswa vashandi vemumapurazi ndicho chimwe chinogona kuita kuti vashandi vazoba vachitsvaga dzimwe nzira dzekurarama.

Asi VaMashingaidze vanoti sangano ravo riri kuedza kugara pasi nemasangano anomirira vashandirwi vemumapurazi kuti vazeye nyaya dzemihoro yevashandi vemumapurazi pamwe nemashandiro avo, asi vanokurudzirawo vashandirwi kuti vawanise vashandi zvikwanisiro mumabasa kuitirawo kuti vakwanise kuburitsa zvirimwa zvinozovawanisa mihoro yakaringana.

Hurukuro naVaVengai Mashingaidze
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG