Accessibility links

Breaking News

Transparency International Inoisa Zimbabwe paNyika Dzine Huwori Huri Pamusoro Pasi Rose


Transparency International
Transparency International

Sangano rinorwisana nehuwori pasi rose, re Transparency International, rakaburitsa gwaro raro raitarisa huwori munyika dzepasi rose mugore ra2022.

Gwaro iri rakaisa Zimbabwe panyika dzine huwori hwakanyanya iri pachinhanho chechizana nemakumi mashanu nenomwe (157) panyika zana nemakumi masere, kana kuti 180, dzakatariswa mushure mekuwana zvibodzwa makumi maviri nezvitatu, 23, kubva muzvibodzwa zana kana kuti 100 zvinotarisirwa kunyika dzisina huwori.

Denmark ndiyo nyika inonzi neTransparency International iri pamusoro panyika dzisina huwori iine zvibodzwa makumi mapfumbamwe kubva muzana, ichiteverwa neFinland iyo ine zvibodzwa makumi masere nezvinomwe.

Somalia ndiyo nyika inonzi neTransparency International nyika ine huwori hwakanyanyisa kudarika dzimwe nyika muAfrica nepasi rose iine zvibodzwa gumi nezviviri, ichiteverwa neSouth Sudan ine zvibodzwa gumi nezvitatu.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG