Accessibility links

Breaking News

Nyazvi dzezveHupfumi Dzoshora Kumiswa Kushanda kweVamwe Vari Kutengesa Mari paMukoto neRBZ


John Panonetsa Mangudya, governor of the Reserve Bank of Zimbabwe, Harare, Dec. 2020.
John Panonetsa Mangudya, governor of the Reserve Bank of Zimbabwe, Harare, Dec. 2020.

Sangano reConfederation of Zimbabwe Retailers rinoti ratanga kuita hurukuro nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe nevamwe vemabhizimisi vakarambidzwa kuita basa nehurumende vachipomerwa mhosva yekuti vaitenga nekutengesa mari pamusika wemukoto.

Reserve Bank of Zimbabwe Financial Intelligence Unit kana kuti FIU inoona nezvemafambisirwo emari munyika inoti kunze kwekurambidza mamwe makambani matanhatu kushanda nehurumende, yakavharawo vamwe vanotengesera vemabhizimisi zvinhu kana kuti mawholesalers mashanu ane mukurumbira asi aisina kudoma.

Mawholesalers aya anonzi ari kutengesera vezvitoro zvinhu nemutengo uri pamusoro soro kana pachishandiswa mari yemunyika zvinonzi zvave kupa kuti dhora reZimbabwe rishaye simba zvakanyanya.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers VaDenford Mutashu vanoti vari kuyedza kuita mutongi gava.

Hurumende inoti muna Zvita yakapa mamwe makambani mari dzawo dzebasa ravainge vaita nayo asi vamwe vacho vachibva vaenda pamusika mutema zvinonzi zvakapa kuti dhora remunyika rishaye simba. Pamukoto, dhora rekuAmerica rave kutengwa nemari yemunyika inosvika zviuru zviviri kana iri mari zhinhi ukuwo kuRBZ riri pamari inodarika mazana matanhatu.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti FIU iri kuita zvainotarisirwa kuita asi uku kupedzera hoko padehwe retsindi nekuti kana dhora remunyika risina kudzikama uye richishaika, vanhu vanoenda pamusika wemukoto.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvare Chenai Mutambasere vanotiwo hurumende haisi kugadzirisa dambudziko chairo nekuti kushaya simba kwedhora remunyika kunoda kuti vanhu vachengetedze mari dzavo mumadhora ekuAmerica

Muzvare Mutambasere vatiwo zvakawanda zvinoda kuitwa kugadzirisa dambudiko iri.

Muzvinafundo Mugano vati dambudziko iri rinogona kugadziriswa chete kana hurumende yazvipira kurwisa huwori.

Mukuru weFinancial Intelligence Unit VaOliver Chiperesa vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti vari kutora matanho akaomarara kuona kuti hapana vemabhizimisi vanopihwa basa nehurumunde voenda nemari yacho pamusika mutema vachikonzera kusagadzikana munyaya dzezvehupfumi.

Gore rapera hurumende yakati yainge yamira kushanda nemakambani gumi nemapfumbamwe aitenga nekutengesa mari pamukoro. Muna 2009 Zimbabwe yakamira kushandisa dhora rayo nekuda kwekushaya simba asi yakazoridzora muna 2019 asi zvichiri kunetsa kuti mutengo waro udzikame.

Nyaya ina Evans Zininga - Economy
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG