Accessibility links

Breaking News

Paramende Yokurudzirwa Kuti Ivandudze Mutemo Kuti Vari Kunze kweNyika Vavhote


Vakawanda vapinda musangano padandemutande reZoom wekuzeya kuvandudzwa kwemutemo wesarudzo kuti uenderane nebumbiro remutemo waitwa neparamende vati mutemo wesarudzo unofanira kusandurwa kuti vanogara kunze kwenyika vabvumidzwewo kuvhota.

Vachipa pfungwa dzavo vari kuAustralia, VaGift Mutero, vati ikodzero yemwana wese weZimbabwe kuti avhote zvisinei kuti anogara kunyika ipi.

Vamwewo vakaita saVaDryden Kunaka vati mutemo unofanira kuvandudzwa nekuti mutungamiriri wenyika akavimbisa kuti vanhu vanogara kunze kwenyika vachavhota.

Sachigaro wekomiti inoona nezvemutemo iyo yange ichitungamira musangano wanhasi, VaMisheck Mataranyika, vati komiti yavo iri kuongorora nyaya yeDiaspora Vote zvichiteverava chichemo chakaendeswa kuparamende nevamwewo vanhu.

Vachitaura vari kuChitungwiza mumwe wechidiki, Pershy Mashiri ati vechidiki ndiwo vakawanda kudarika mazera ese nekudaro vanofanira kuwana zvigaro zvakawanda muparamende.

Mashiri atiwo mutemo unofanira kuranga vese vanoita zvemhirizhonga zvikuru sei vano shandisa vechidiki pamhirizhonga munguva yesarudzo.

Izvi zvatsinhirwawo nevanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimirira, VaRejoice Ngwenya.

VaNgwenya vatiwo mutemo wesarudzo unofanira kurambidza kutengwa kwemavhoti uko vati kunokanganisa sarudzo dzemuZimbabwe nguva dzose.

Imwe nyaya yabuda pamusangano wanhasi inyaya yekuti mutemo wesarudzo unofanira kupa veruzhinji simba rekudzinga basa nhengo dzeparamande kwete kupa simba iri kumapato ezvematongerwo enyika sezvazviri pari zvino.

VaMataranyika vatiwo vachaunganidza zvese zvatuarwa neveruzhinji vozviisa mugwaro ravachatura kuparamende risati raendeswa kuhurumende.

Bhiri iri rinorambidzawo vanhu vanenge vabatwa nemhosva dzemhirizhonga kukwikwidza musarudzo.

Hatina kukwanisa kunzwe divi rehurumende panyaya iyi asi gurukota rezvemutemo, VaZiyambi Ziyambi vakaudza paramende kuti bumbiro remutemo wenyika haribvumidze Diaspora vote vachiti Zimbabwe ine marunhu mazana maviri negumi uye ese ari mukati menyika kwete kunze.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG