Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa naVaLukashenko Voshora Vakavatemera Zvirango


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemutungamiri wenyika yeBelarus VaAlexander Lukashenko avo vari kushanya munyika kwemazuva matatu, vabatana mukushora zvirango zvavakatemerwa vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Vaviri ava vati nyika dzekumawirira kusanganisira America dzakavatemera zvirango nekuti vakaramba kuti dzipambe hupfumi hwenyika dzavo.

Vachitaura kuState House muHarare mushure mekusainirana zvibvumirano zvisere VaMnangagwa naVaLukashenko vashora zvikuru zvirango izvi.

Asi nyika dzakaita seAmerica nedziri mugungano reEU dzakatemera vatungamiri venyika mbiri ava zvirango vanoti vanotyora kodzero dzevanhu nekubirira sarudzo. Asi vachitaura nezvesarudzo, VaMnangagwa vati nyika ino ine hutongo hwejekerere uye inogaroita sarudzo sezvinotarisirwa. Vatiwo varikutarisira kuti sarudzo dziitwe muna Chikunguru wegore rino.

Asi mutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change (CCC) VaOstallos Siziba vati Zanu-PF ikaitsa sarudzo dzakachena inokundwa nebato ravo.

VaMnangagwa vatiwo rubatsiro rwuri kubva kuBelarus rwuri kubatsira Zimbabwe zvikuru munyaya dzekurima. VaLukashenko vatiwo vashanyira Zimbabwe nedonzvo rekusimudzira hupfumi hwayo.

Asi mukuru wesangano reCentre for Natural Resource Governance (CNRG), VaFarai Maguwu vati VaLukashenko vari kutsvaga mukana wekuvandudza hupfumi hwenyika yavo. kwete kuda kusimudzira hupfumi hweZimbabwe. Vatiwo Zimbabwe inofanira kuziva zvainoda isati yangonyorerana zvibvumirano zvekutengeserana.

Vatungamiri vaviri ava vanyorerana zvibvumirano zvisere nhasi. Zvimwe zvezvibvumirano zvanyoreranwa pasi zvinosanganisira kushandira pamwe kweguta reHarare, neMinsk, chibvumirano chekuti Zimbabwe ichatengeserwa matirakita pamwe nezvekukohwesa, kuti Belarus ichatengeserwa pamwe nekubatsirwa kuvaka zvekuchengetera zvikohwewa nezvimwewo.

VaLukashenko vari munyika kwemazuva matatu uye vakasvika muZimbabwe nezuro. Mangwana vari kutarisirwa kushanyira kuVictoria Falls.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG