Accessibility links

Breaking News

SADC Troika Yoshorwa neVamwe neKusazeya Kusagadzikana Kuri muZimbabwe Pamberi peSarudzo


SADC Organ Troika iyo iri kuita musangano mukuru kana kuti summit kuNamibia iri kushorwa nevamwe nenyaya yeusazeya mamiriro akaita zvinhu muZimbabwe pamberi pesarudzo dzegore rino.

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change nemasangano anorwira kodzero dzevanhu akatosuma SADC kuti muZimbabwe maberekera ingwe.

Vatungamiri vari mumusangano weTroika uyu vanoti VaHage G. Geingob mutungamiri wenyika yeNamibia vari zvakare sachigaro weTroika, mutungamiri wenyika yeZambia VaHakainde Hichilema vanova vachatora chigaro chekuva sachigaro uye VaCyril Ramaphosa mutungamiti wenyika yeSouth Africa.

Vatungamiri venyika ava vari kuzeya kusagadzikana kwakaitika muEswatini mune vanhu vave nenguva vachiratidzira vachiti vanoda hutongo hwejekerere uye vari kutarisawo nyaya yehondo muMozambique neDRC.

Sangano remubatanidzwa wemasangano akazvimirira oga reSouthern African People’s Solidarity Network kana kuti SAPSN riri kuitawo misangano kumucheto wemusangano weSADC Troika uyu.

Munyori mukuru musangano reSAPSN iri, Muzvare Janet Zhou avo vanotungamirawo sangano reZimbabwe Coalition on Debt and Development kana kuti ZIMCODD vaudza Studio7 kuti vari muNamibia kuti vakurudzire vatungamiri veSADC Troika kuti vagadzirise matambudziko osangana neZimbabwe.

Izvi zvatsigirwa nasachigaro weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaPeter Mutasa. VaMutasa vashorawo nyaya yekukandwa mumajeri kwenhengo dzedare reparamende dzinopikisa.

Vakafano bata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaOstallos Gift Siziba vati kusavapo kwesarudzo dzakajeka kuri kudzoreredza nyika kumashure.

Asi mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi vanoti bato ravo hariite zvemhirizhonga.

Bato reTripple C rinoti rakanyorera SADC neAU tsamba richiti zvinhu munyika zvainge zvaita manyama amire nerongo nekuda kwekurohwa kwevatsigiri vavo nekusungwa kwevamwe.

Nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu, VaTendai Mbofana vati kutarisira rubatsiro kubva kuSADC kuteya nzou neriva.

Zimbabwe iri kutarisirwa kuita sarudzo muna Chiknguru kana kuti Nyamavhuvhu gore rino.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG