Accessibility links

Breaking News

Botswana Diamonds PLC Yotaura neZimbabwe Kuti Itenderwe Kutsvaga Mimwe Minda yeMangoda


Kambani yeBotswana Diamonds Plc, iyo inoita basa rekutsvaga nzvimbo dzinenge dziine mangoda munyika iyi neSouth Africa, inoti yatangazve dzimwe nhaurirano neZimbabwe kuti itsvage minda yemangoda mushure mekunge yamboyedza kuita izvi muna 2018 asi zvikakona n’anga murapwa achida.

Mukuru weBotswana Diamonds Plc, VaJames Campbell vaudza Studio7 kuti kambani yavo iri muhurukuro nevakuru vakuru muhurumende pamwe nenyanzvi dzakawanda munyaya dzezvicherwa.

VaCampbell, avo varamba kutaura mazita evakuru vakuru vavari kutaura navo muhurumende vachiti nyaya yekutsvaga mangoda inoda vakabata hana, vati Zimbabwe ine mukana wakakura wekuve nyika inochera mangoda akawanda.

Vati Botswana Diamonds Plc iri kutarisira kuita basa rayo retsvakiridzo yemangoda kuchamhembe nekumabvazuva kweZimbabwe kana nhaurirano dzapera.

Kunyangwe hazvo mushandirapamwe wayakamboyedza kuita neimwe kambani yekuUnited Kingdom inonzi Vast Resources Plc muna2018 wekutsvaga mangoda kwaMarange usina chawakaburitsa, kambani iyi inoti haina kurasa mbereko nekufirwa.

Studio7 haina kunzwa divi rebazi rinoona nezvezvicherwa sezvo VaWinston Chitando, avo vanova gurukota rebazi iri, vanga vasingadaire nharembozha yavo kusvika taenda pamhepo.

Taedzawo zvakare kubata mumiriri weZimbabwe muBotswana, VaBatiraishe Mukonoweshuro, asi vanogamuchira nhare pamuzinda weZimbabwe muBotswana avo vasina kuda kutaura zita ravo vakati vainge vari mumusangano.

Kunyangwe dzimwe nyika dzinochera mangoda dzichiita budiriro munharaunda nehupfumi hwenyika, mukuru musangano reCentre for Natural Resources Governance kana kuti CNRG, VaFarai Maguwu vanoti vana veZimbabwe vari kuyaura nekuda kwehuori uye kushaya budiriro munharaunda dzavo.

Nyanzvi munyaya dzezvezvicherwa uye vachishanda sachipangamazano vakazvimirira muGaborone, VaGarikai Mombeshora vati Zimbabwe inofanira kutevedzera mitemo yezvezvicherwa inoshandiswa neBotswana kuitira kuti vanhu vaone chouviri.

Vanhu vekwaChiyadzwa kuri kucherwa mangoda vari kugara vachiratidzira vachiti hurumende nemakambani aya havasi kuzadzikisa zvavakavavimbisa munyaya dzebudiriro. Vanotiwo vari kushungurudzwa nemapurisa nemauto anochengetedza minda yemangoda.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe kana gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika Amai Oppah Muchinguri Kashiri sezvo vange vasiri kudaira nharebozha dzavo.

Hurumende iri kutarisira kuti chikamu chemigodhi chichakwanisa kuva indasitiri yemari inosvika mabhiriyoni gumi nemaviri emadhora ekuAmerica gore rino.

Pasi pegwaro remugodhi wemadhora bhiriyoni gumi nemaviri, iro rakaparurwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa muna2019, zvicherwa zvinoti chrome, iron, simbi, mangoda nemarasha zviri kutarisirwa kupa nyika bhiriyoni rimwe chete remadhora ekuAmerica kutanga gore rino.

Makambani anochera mangoda munyika anosanganisira ZCDC, Anjin yekuChina, Murowa neAlrosa yekuRussia.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG