Accessibility links

Breaking News

Vana Vakazvarwa Vakatsemuka Hwasha Vorapwa Pachena paSally Mugabe Hospital


Sangano reGlobal Cleft and Cranio Facial Foundation, rakaunganidza nyanzvi dzehutano pachipatara cheSally Mugabe Children’s Hospital muHarare kwevhiki, kubva musi wa23 Ndira kusvika musi wa27 Ndira apo vana vakazvarwa vakatsemuka hwasha kana kuti cleft lip and cleft palate vakarapwa pachena.

Mumwe wevakuru vanomirira sangano iri munyika Amai Marceline Moyo vakaudza Studio 7 kuti kunyangwe hazvo vabereki vakaziviswa nezvechirongwa ichi nguva yapera, vana vakawanda vakauya kuzovhiyiwa nekugadzirwa miromo yavo.

Amai Moyo vanoti sangano ravo rakabatsira vana vanodarika zana nemakumi mashanu, 150, kubva gore ra2020 apo pakaumbwa sangano iri, uye vanoti kuchaitwa zvimwe zvirongwa zvitatu zvakadaro mukati megore rino. Vakqti vana vakawanda vanozvarwa nedenda iri.

Vaendera mberi vachiti sangano ravo rakaona zvakakodzera kuti chirongwa ichi chiitwe naana chiremba vemuno vakazvipira kuita basa iri pachena kwete kumirira vekunze sezvaiitwa makore apfuura.

Mumwe chiremba, Dr Wayne Manana vanoshanda nesangano reGlobal Cleft and Cranio Facial Foundation vakaudzawo bepanhau reHerald kuti zvinofadza zvikuru kuti zvirongwa zvakadai zvave kuitwawo naana chiremba vemunyika

Mukuru weShumiro Sarah Crystal Magandi Trust, Amai Danai Magandi vanoti chirongwa ichi chakatangisa mushure mokunge mwana wavo Shumiro ashaya aine mwedzi mina chete zvakonzerwa nekushaya zivo maringe nezvokuchengeta mwana ane dambudziko rehwasha iri.

Vaendera mberi vachiti dambdziko iri riri muvanhu vakuru uye kune vakuru vanosvika vana vakauyawo kuchipatara vakagadziridzwa miromo yavo.

Amai Eunice Nyabadza vanobva kwaSeke vanoti vakafara chaizvo kuti mwana wavo Tanaka Daudi anemakore maviri akazoitwa oparesheni iyi mushure mokudzoswa kashanu kose zvichinzi aiva asati asvitsa huremu hunodarika makirogiramu mashanu, anodiwa kuti avhiyiwe.

Amai Betina Linga vekuChiredzi vaudza Studio 7 kuti vakavhunduka kuona mwana wavo Tapiwanashe Chinanga aine muromo wakatsemuka musi wakazvarwa.

Munyori musangano reZimbabwe Association of Doctors for Human Rights, ZADHR, Dr Norman Matara vati vana vakatsemuka hwasha vanotadza kudya zvakanaka, kutaura uye vanoita zvirwere zvenzeve.

Doctor Mutara vaendera mberi vachiti mwana mumwechete pachiuru anozvarwa aine denda rekutsemuka hwasha. pasi rose.

Rimwe sangano rinonzi Operation Hope ndiro rashanda muZimbabwe kwenguva yakareba kubva mugore ra2006 richibatsira vanhu pachena. Rinonzi rabatsira vanhu vanodarika zviuru zvishanu uye zvirongwa izv zvange zvichiitwa navanachiremba vekunze kunyanya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG