Accessibility links

Breaking News

Kushanya kweMutungamiri weBelarus kuZimbabwe Kwokonzera Mutauro


Zimbabwe Belarus
Zimbabwe Belarus

Mutungamiri wenyika yeBelarius VaAlexander Lukashenko vasvika muZimbabwe nhasi murwendo rwuri kuratiswa zvikuru nenyika dzepasi rino sezvo nyika yavo iri kutsigira Russia muhondo neUkraine.

America yakatemera Russia, Belarus nevatungamiri veZimbabwe zvirango vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu.

Mutungami wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevatsigiri vebato ravo reZanu-PF vatakurwa nemabhazi vatambira VaLukashenko panhandare yeRobert Gabriel Mugabe International Airport nhasi.

Vachinyora padandemutande ravo reTwitter, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vati urwu ndirwo rwendo rwekutanga rwaVaLukashenko kuAfrica kubva zvavakatanga kutungamira nyika yavo muna 1994.

Vatungamiri vaviri ava varamba kutaura nevatori venhau vachiti vachazotaura mangwana pari kutarisirwa kuti pachange ponyoreranwa zvibvumirano zvikuru panyaya yezvekurimisa, kutengeserana uye mabhazi.

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vati vari kufara nerwendo urwu sezvo rwuri rwekutanga rwaVaLukashenko kuAfrica.

Kambani yekuBelarus inonzi Minsk Tractor Plant (MTZ ) nevanoimirira muZimbabwe veMTZ vanonziwo AFTRADE DMCC vakanyorerana chibvumirano muZimbabwe chekuti Zimbabwe itengesewre matirakita zviuru zvitatu nemazana mashanu.

Muna 2020 pakashanyira VaMnangagwa nyika yeBelarus mutungamiri wenyika akati yainge yatenda kutengeserana Zimbabwe mabhazi mazana mashanu.

Vachitaura neStudio 7 nyanzvi munezvehupfumi uye vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vati kushanyirwa kwaitwa Zimbabwe neBelarus kwakakosha.

Asi mutevedzeri vemutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change , VaTendai Biti vatiwo Zimbabwe inofanirwa kungwarira kushandiswa nenyika yeBelarus iyo irikubva kudunhu rine hondo.

Izvi zvatsigirwawo nenyanzvi munezvematongerwo enyika VaBhekezela Gumbo. Panyaya yevari kushora rwendo urwu, VaParadza vati Zimbabwe inoda kuwirirana nenyika dzose pasina kusarura.

Asi vanorwira kodzero dzevanhu vanotiwo zviri kuitwa neZimbabwe zvekudyidzana nenyika dzakaita seBelarus neRussia zvinogona kupa kuti ive makara asionane neAmerica nenyika dzekumawirira dziri kutsigira Ukraine muhondo neRussia.

America iri kuyambirawo kuti ichaomesera nyika dzose dzinoda kushandiswa neRussia mukuyedza kupukunyuka mumambure ezvirango zvayakatemerwa. Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaKennedy Masiye vati. VaLukashenko vari kushanya kuZimbabwe kwemazuva matatu.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG