Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vourayiwa nePfuti Vachipemberera Bhavhudhe muSouth Africa


Mapurisa emuSouth Africa anoti vanhu vasere vaipemberera bhavhudhe vakapfurwa vakafa nezuro kuGeberha yaimbonzi Port Elizabeth. Murume aipemberera bhavhadhe wacho anonzi ari pakati pevanhu vakafa.

Zvinonzi pane vanhu vaviri vaisazivikanwa vakapinda pamba paiitirwa bhavhudhe apa ndokutanga kungopfura vanhu.

Mukuru wemapurisa mudunhu iri Lt Gen. Nomthetheleli Mene vashora zvikuru kuurayiwa kwevanhu ava kwavati kungodeura ropa revasina mhaka.

Gurukota rezvemapurisa VaBheki Cele nemukuru wemapurisa komishina Fannie Masemola vati vatumira nyanzvi kuti dzinofererefeta kuti chii chakaitika.

South Africairi pakati penyika dzepasi rino dzinourayiwa vanhu zvakanyanya nepfuti nembavha uye nevanoshandisa zvinodhaka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG