Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weBelarus, VaLukashenko, Votarisirwa Kupinda muNyika Nhasi


Mutungamiri wenyika yeBelarus, VaAleksandr Lukashenko.
Mutungamiri wenyika yeBelarus, VaAleksandr Lukashenko.

Mutungamiri wenyika yeRepublic of Belarus, VaAleksandr Lukashenko, vari kutarisirwa kusvika munyika nhasi masikati parwendo rwavo rwemazuva matatu, uye rwuri rwekutanga kudivi rekuchamhembe kwegwenga reSahara, kana kuti Sub-Saharan Africa.

Rwendo urwu rwunonzi rwakanangana nekusimbisa hukama hwagara huri pakati peZimbabwe neBelarus.

Nyika mbiri idzi dzinonzi dzinodyidzana zvakanyanya munyaya dzezvematongerwo enyika, zvehupfumi, zvezvicherwa, mukurima pamwe nekudzivirirwa kwenjodzi.

VaMnangagwa naVaLukashenko vanonzi vachanyorerana zvimwe zvibvumirano zvekudyidzana pamusoro pezviripo.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mukuru weCentre for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti vanoona kunge rwendo urwu rwakakosha zvikuru vachiti havafungi kuti VaLukashenko vari kungouya chete vakamirira nyika yavo, asi kuti vakamirirawo zvakare Russia iyo iri kutadziswa kuita zvakawanda nekuda kwezvirango.

VaMaguwu vanotiwo zvinozivikanwa kuti VaMnangagwa pavachasangana naVaLukashenko vachange vakabata zvicherwa neivhu zvichapa makambani ekuBelarus mikana yekuuya kunoshanda achichera zvicherwa muZimbabwe.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Simba Mavaza vanotiwo rwendo urwu rwakakoshera nyika mbiri idzi sezvo mutungamiri weBelarus ari kuunza zvakasiyanasiyana zvichasimudzira Zimbabwe.

Asi Doctor Mavaza vanoti manyepo ekuti Zimbabwe iri kushandisa minda nezvicherwa muzvibvumirano zvayo neBelarus, vachiti Belarus iri kutotenga zvose zvairi kuwana uye iri kuunzawo nyanzvi dzichavhura maindasitiri munyika.

Hurukuro naVaFarai Maguwu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
Hurukuro naDoctor Simba Mavaza
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG