Accessibility links

Breaking News

Paramende Yoshorwa neKuita Misangano Yekuvandudzwa kweMutemo weSarudzo PaZoom neRadio Chete


VaJacob Mudenda
VaJacob Mudenda

Dare reparamende mangwana riri kutanga hurongwa hwekunzwa pfungwa dzevanhu pakuvandudzwa kwezvimwe zvikamu zvemutemo wesarudzo kuti zviendererane nebumburi remutemo.

Semuenzaniso, vanhu vari kunzi vanenge vasingabvumidzwe kushandisa chitupa chekutyaira motokari kana kuti drivers license kuvhota sezvo chisina zvimwe zviri pachitupa zvakaita sekuti munhu chizvarwa chenyika here kana kuti kwete.

Pachavandudzwa mutemo kuti mudare reparamende muve nemumiriri wevechidiki anosarudzwa nekuti bato rake rinenge rawana mavhoti mangani kana kuti Proportional Representative mudunhu rega rega.

Mutemo uchavandudzwawo kuti madzimai ave nezvikamu makumi matatu kubva muzana pamakanzura sezvinokurudzirwa neSADC pachirongwa chekuenzanisa mikana pakati pevanhurume nevanhukadzi kana kuti SADC Protocol on Gender and Development chaknyoreranwa mu 2008.

Asi paita kusawirirana pakati pedare reparamemende nevanopikisa nemamwe masangano akazvimirira.

Vanopikisa vari kuti nhengo dzeparamende dzinofanira kuenda kuvanhu kwete zviri kuitwa neparamende zvekuti vanhu vape pfungwa dzavo pamadandemutande akaita seZoom neRadio dzinoti National FM Radio neStar FM Radio.

PaNational FM Radio hurongwa huchatanga nenguva dza2 masikati, paStar FM na 4 masikati kwozoti paZoom nenguva dza 9 mangwanani nemusi weChipiri.

Asi mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda vaudza Studio 7 kuti hapana chakaipa kuti pashandiswe madandemutande nemaradio sezvo izvi zvave nenguva zvichiitwa kubva zvakatanga kupararira chirwere cheCovid-19 munyika muna 2019.

Asi imwe nhengo yekomiti yeparamende inoona nezvemitemo VaInnocent Gonese vanomirira Mutare Central vari nhengo yeCCC vati a kuti veparamende vakangoita zano ndega vasina kuvasuma vakati zvainge zviri nani kuenda kuvanhu.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinoona nezvesarudzo rakazvimirira reElection Resource Centre VaSolomon Bobosibunu vati nekudzimwa dzimwa kwemagetsi kushandisa madandemutande kunonetsa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG