Gurukota rezvekushanyirwa kwenyika, VaNqobizitha Mangaliso Ndlovu vakadoma komiti yakakosha yevanhu vashanu ichaferefeta kuona kana vakuru vakuru veZimbabwe Tourism Authority vakaita zvehuwori mukuzvipa mazimari ekubatsirika munguva dzeCovid-19.
Vakuru vakuru ava vanonzi vakazvipa mari dzekubatsirikana dzinosanganisira mari yekushandisa kumazororo, kana kuti holiday allowances, pamwe nekuzvitengera zvekudya.
Komiti iyi inonzi ichange ichitungamirirwa nemunyori mukuru mubazi rezvevashandi, VaSimon Masanga, avo vanenge vari sachigaro, uye iine vamwe vakuru vehurumende kubva mumapazi akasiyanasiyana.
Komiti iyi inonzi ichange ichitsvaga kuona kuti mari dzekubatsirika idzi dzakanga dzabvumidzwa here uye dzakapiwa zvichienderana nemutemo wePublic Entities Corporate Governance Act here?
Asi VaNdlovu vaudza Studio 7 kuti pari zvino havasi kuti pane huwori hwakaparwa asi kuti vari kufungira kuti pangadai pakaitwa zvehuwori saka vati paferefetwe.
Vati kana pakazoonekwa kuti pakaitwa zvehuwori, ndipo pavachazopinza komisheni inorwisana nehuwori, yeZimbabwe Anti-Corruption Commission.
Asi VaAlouis Chaumba, vesangano reAnti-Corruption Trust of Southern Africa, vanoti hapana zvitsva pane zvaitwa naVaNdlovu izvi vachiti zvinongoperera mukutaura nemumapepa pasina anosungwa nenyaya yekuita zvehuwori.
VaChaumba vanoti panofanirwa kutanga parwiswa huwori kubva kumusoro sezvo vamwe vanozoitawo zvehuwori vanenge vaona kuti vakuru vacho havana zvavari kuitwa kana vaita zvehuwori.
Facebook Forum