Accessibility links

Breaking News

Nhumwa dzeAmerica Dzosimbisa Hukama hweNyika iyi neNyika dzemuAfrica


Gurukota rezvemari muAmerica, Amai Janet Yellen vapeta rwendo rwavo muSouth Africa.
Gurukota rezvemari muAmerica, Amai Janet Yellen vapeta rwendo rwavo muSouth Africa.

Mamwe masangano anorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana anoti ari kufadzwa nekushanya kwenhumwa dzeAmerica dzechidzimai muAfrica munzendo dzakanangana nekusimbaradza hukama hwenyika nyika yeAmerica nenyika dzemuAfrica.

Gurukota rezvemari muAmerica, Amai Janet Yellen, vapeta rwendo rwavo rwemazuva matatu muSouth Africa. Mumazuva avo gumi ekushanyira nyika dzemuAfrica, Amai Yellen vakashanyirawo Senegal neZambia.

Ukuwo, mumiriri weAmerica kuUnited Nations, Ambassador Linda-Thomas Greenfield, vari muMozambique pari zvino uMo vasimbisa nezvekukosha kwekudyidzana kwenyika iyi neAmerica.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinorwira kodzero dzemadzimai nevanasikana, Amai Lucy Ndongwe Chikowore vesangano reMTC Educate A Girl Foundation, vanoti zvinofadza kuti America yakazvipira kushanda neAfrica izvo zviri kuenderana nechitsidzo chakapihwa nemutungamiri wenyika iyi VaJoe Bidden kumusangano weU.S. -Africa Leaders Summit wakaitwa muWashington D.C .mwedzi wapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG