Accessibility links

Breaking News

Studio 7 Inosvitsa Makore Makumi Maviri Ichitepfenyura muZimbabwe, Hurumende Ichiti Iri Kutepfenyura Zviri Kunze kweMutemo


Studio 7
Studio 7

Nhepfenyuro yeVoice of America yeStudio 7 yasvitsa makore makumi maviri ichitepfenyura muZimbabwe, veruzhinji nenyanzvi mune zvematongerwo enyika vachiti inoita basa guru mukuburitsa nhau dzisina kwadzakarerekera.

Asi hurumende yeZimbabwe inoti Studio 7 inotepfenyura munyika zviri kunze kwemutemo, uye inofanira kutevedza mitemo yekutepfenyura nekufambiswa kwemashoko muZimbabwe.

VaOwen Dhliwayo, avo vanoti vakatanga kuterera Studio 7 muna Kukadzi 2003, vanoti vakapinda murudo nayo kusvika nanhasi nekuti inoburitsa nyaya dzinodiwa neveruzhinji.

Vanoenderera mberi vachiti kusvika nhasi Studio 7 inoramba iichiburitsa nhau isina kwayakarerekera.

Vamwewo vakaita saAmai Franseca Phiri vanoti ngairambe yakadaro.

Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemutauriri webato guru rinopikisa, reCitizens’ Coalition for Change, VaGift Ostallos Siziba, vakorokotedza Studio 7 nekusvitsa makore makumi maviri ichitepfenyura muZimbabwe vachiti bato ravo rinotsigira vatapi venhau nemakambani anoita basa rawo zvine humizha vasina kwavakarerekera.

VaGift Ostallos Siziba, mutevedzeri wemutauriri weCCC
VaGift Ostallos Siziba, mutevedzeri wemutauriri weCCC

VaWitness Dube, mutauriri webato reMovement for Democratic Change, vakorokotedzawo Studio 7 nekuita nguva yakareba ichitepfenyura munyika vachiti zvainge zvakaoma kuita izvi kubvira payakaenda pamhepo kekutanga muna 2003.

Mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF VaTafadzwa Mugwadi vanoti vangangodawo kudzidzisa zvishoma kuti nekuteererwa kunoitwa nhepfenyuro yeStudio 7 munyika, yakatangawo kudzidzisa nyaya dzerunyararoingabatsira zvikuru.

Mukuru weGreat Zimbabwe University Campus Radio zvakare vari sachigaro veMedia Institute of Southern Africa muZimbabwe nemuSADC, VaGolden Maunganidze, vatenda vatapi venhau VeStudio 7 nekuramba vakashinga vachipa veruzhinji nhau apo hurumende yainge yakasunga masaisai.

Vamwe vevatapi venhau vakatanga neStudio 7 vanosanganisira Stanely Karombo naMichael Kariati uyu anoti zvainge zvakaoma kushandira Studio 7 panguva yayakatanga kuenda pamhepo.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika uye vari mumukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vanoti nhepfenryuo yeStudio 7 yakaita basa guru nekusvitsa nhau dzemuZimbabwe kunzvimbo zhinji munyika dzisingasvike nhepfenyuro zhinji dzemuZimbabwe.

Nzvimbo zhinji munyika, zvikuru sei dziri kumiganhu nedzimwe nyika, hadzina masaisai asi Studio 7 inosvika kunzvimbo dzese idzi ichishandisa masai sai eShortwave.

VaMudzengi vanoti kunyange hazvo hurumende yakapa marezenisi akawanda Studio 7 inoramba yakakosha nekuti inopamativi ese panyaya dzayo.

Kubvira payakaenda pamhepo, Studio Studio 7 yange iri kushoropodzwa nehurumende ichinzi inoshandiswa nehurumende yeAmerica kuita zvido zvayo nekutsigira zvirango zvakatemerwa Zimbabwe nenyika iyi.

VaKindness Paradza
VaKindness Paradza

Mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaKindness Paradza, vanoti Studio 7 ichiri kutepefenyura zviri kunze kwemutemo.

Asi mutungungamiriri webato ReDemocratic Party vati vanofara nebasa riri kuitwa neStudio 7 uye vanotarisira kuti ichazotepfenyura iri muZimbabwe kana nguya yakwana.

Voice of America yakaparura Studio 7 musi 27 Ndira muna 2003 nechirongwa chaitepfenyura nechirungu kwemazuva mashanu kubva Muvhuro kusvika neChishanu.

Yakazovandudza zvirongwa zvayo yave kutepfenyura neShona neiSiNdebele kwesvondo rese pamwe nekuita zvirongwa zvakaita seLiveTalk. Studio 7 inotepfenyurawo pamadandemutande akaita seWhatsApp, YouTube neFacebook.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG