Accessibility links

Breaking News

ZERA Inozivisa nezveKukwidzwa Zvakare kweMutengo weMafuta eDzimotokari


Mafuta edhiziri nepeturu akwidzwa mutengo zvakare neZERA.

Zimbabwe Energy Regulatory Authority, ZERA, nemusi weChina yakazivisa nezvekukwira kwemutengo wemafuta ekufambisa dzimotokari, dhiziri richikwidzwa mutengo nemasendi matanhatu ekuAmerica kuenda padhora nemasendi makumi matanhatu nemasere, kana kutiUS1.68 parita, kubva padhora rekuAmerica nemasendi makumi matanhatu nemaviri $1.62 parita.

Peturu yakakwidzwawo nemasendi mashanu ekuAmerica kubva padhora rimwechete rine masendi makumi mashanu nemana, kana kuti US$1.54 parita, kuenda padhora nemasendi makumi mashanu nemapfumbamwe, US$1.59 parita.

Mukutanga kwemwedzi uno, ZERA yakambodzikisa mutengo wemafuta edhiziri nemasendi maviri ichikwidzawo mutengo wepeturu nemasendi matatu ekuAmerica.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kukwira kwemutengo uku kwakonzerwa nezvinhu zvakati wandeyi, zvinosanganisira kukwira kwemitengo yemafuta pasi rose.

Vanotiwo mafuta ari kushomea sezvo dzimwe nyika dzakaita seAmerica dzakambovhara matura adzo emafuta dzichiavandudza, uyewo nekuvhurawo kwemaindasitiri munyika yeChina, izvo zvawedzerawo kushandiswa kwemafuta.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG