Accessibility links

Breaking News

Sangano reInternational SOS rekuBritain Royambira Vashanyi Richiti muZimbabwe Munogona Kuitika Mhirizhonga yeZvematongerwo eNyika


Hurumende iri kupomerwa mhosva yekutonga nedemo ichisunga nhengo dzemapato anopikisa.
Hurumende iri kupomerwa mhosva yekutonga nedemo ichisunga nhengo dzemapato anopikisa.

Sangano rinoongorora nezvehutano pamwe nekugadzikana munyika dzepasi rino rine muzinda waro kuBritain, reInternational SOS, riri kuyambira vashanyi vanoda kushanyira Zimbabwe richiti munyika muchave nekuwedzera kwemhirizhonga yezvematongerwo enyika.

Zimbabwe imwe yenyika dzekuchamhembe kweAfrica dzinosanganisira Mozambique dzinonzi nesangano iri dzinogona kuita mhirizhonga chero nguva.

Sangano iri rakaisawo Zimbabwe panyika dzine njodzi yakakurisa munyaya dzezvehutano richiti mishonga nekurapwa kune hunyanzvi zvinogona kunge zvisingawaniki, uye zvirwere zvinokonzerwa nekumvura isina kuchena zvizere, pamwe nezvirwere zvakaita se malarira, typhod ne cholera zvinogona kuramba zvichityisa.

Izvi zviri mugwaro resangano iri rinonzi “International SOS: Global Risks in 2023” rakaburitswa nesangano iri mwedzi uno. panguva iyo hurumende iri kupomerwa mhosva yekushungurudza mapato anoipikisa apo nyika yatarisana nesarudzo gore rino.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, avo vari kumusangano weFeed Africa Dakar 2 kuSenegal.

Hurumende iri kupomerwa mhosva yekutonga nedemo ichisunga nhengo dzemapato anopikisa, zvikuru dze CCC.

Asi hurumende yagara zvayo inoti mutemo unoshandiswa pachiteverwa bumbiro remitemo isingatarise kuti munhu abuda mumba maani.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, vari mudzidzisi mukuru paTswane University of Technology iri muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza vanoti mashoko akadai anokanganisa chimiro cheZimbabwe pamwe nekuishaisa mari munyaya dzekushanyirwa kwenyika.

Muzvinafundo Mukonza vanoti kugadzirisa chimiro chayo, Zimbabwe inofanirwa kuburitsa muhusungwa vasungwa vose vezvematongerwo enyika vakaita saVaJob sikhala nevamwe vebato ravo reCitizens' Coalition for Change, avo vari kuramba vachinyimwa mukana wekubvisa mari yechibatiso nematare edzimhosva.

Hurukuro naProfessor Ricky Mukonza
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:33 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG