Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vanoudza Vamwe Vatungamiri Kuti Matura Ari Kufashukira muNyika Asi Vamwe Vachiti Vari Kuziya neNzara


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kuSenegal kumusangano wezvekukurudzira kurimwa kwechikafu muAfrica kana kuti Feed Africa Summit wakarongwa neAfrican Union neAfrican Development Bank kana kuti ADB kuti africa ikwanise kuva nechikafu chekutengesera pasi rose.

Vachitaura kumusangano wevatungamiri wenyika uyu, VaMnangagwa vakati Zimbabwe yainge yarima zvakakwana mwaka wadarika ikazadza matura.

Asi masangano akaita seWorld Food Programme ari kut nyika yakatarisana nenzara zvekuti vanhu vanoda kusvika mamiriyoni matanhatu vakatarisna nenzara.

ADB yakazivisa pamusangani uyu kuti yaine yaumba homwe yemabhiriyoni gumi kusimudzira mabasa ekurima muAfrica.

Sangano rinopa rubatsiro rwechikafu pasi rose reWorld Food Programme rinoti vanhu vanoda kusvika mamiriyoni mana kana kuti 3, 8 million vanoda rubatsiro rwechikafu munyika gore rino.

Mukuru mukufambiswa kwemashokon kana kuti Communications Officer weWFP munyika VaTatenda Macheka vanoti hurumende ine mutoro mukuru wekubatsira vanhu mamiriyoni matatu nezana rezviuru kana kuti 3.1 million nezvekudya kumaruwa mumatunhu madiki makumi mashanu nemaviri.

Vatieo nzara haisi kumaruzevha chete vachiti yapfunyawo chisero kunyange mumadhorobha.

VaMacheka vanoti WFP nemamwe masangano vari kubatsira dzimba zviuru makumi maviri kana kuti 20 000 mumadhorobha pasi pechirongwa cheUrban Cash-Based Assistance chino fambidzana nechirongwa chehurumende che Harmonized Social Cash Transfer Programme.

Gurukota rezvekurima VaAnxious Masuka vanobvuma kuti pane dambudziko renzara kuvanhu 3vakawanda munyika asi vanoti hurumende yakagadzirira zvakasimba sezvo Grain Marketing Board kana kuti GMB ine chibage matani zviuru mazana mashanu nemakumi matatu nezvisere kana kuti 538 000 tonnes.

VaMasuka vanoti vakagadzirira kupa matani zviuru makumi matatu nezvina kana kuti 34 000 tonnes zviri kudiwa nebazi rezvekuchengetwa kwevanhu.

Mapazi eUnbited Nations mugwarto raaburitswa mukupera kwemwedzi wapera rinonzi "Ukraine

Crisis and Food Security in Zimbabwe" yakati zviri pachena kuti zvinhu zviri kudhura munyika nekuda kwemafuta edzimotokari ayo anotengwa kubva kunyika yeUkraine neRussia idzo dziri

kurwisana zviri kukonzera kusafamba zvakanaka uye kunonoka kufambiswa

kwemafuta achiuya nekure zvinoita kuti azodhura. Gwaro iri rinoti nyika inotenga mafuta edzimotokari zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kana kuti 95% kubva muzana, kubva kunze kwenyika.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichishanda nesangano reLabour an Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaProsper Chitambara vanoti havaone mitengo yezvinhu ichigadzikana gore rino nekuda kwemafuta edzimotokari ari kungokwira pamwe nekudzimwadzimwa kuri kuitwa magetsi.

Mumwe mugari wemuChinhoyi VaTakunda Mukarakate vanoti zvinhu zvirimo muzvitoro asi hazvisi kutengeka nekudhura.

Hondo iri pakati peUkraine neRussia inonzi iri kukonzeresa kushaikwa kwefotireza izvo zvave kuita kuita kuti idhure zvakanyanya zviri kutarisirwawo kuti zvichakanganisa goho regore rino sekutaura kwemukuru wekurima mudunhu reMashonaland West Amai Ciena Makaza.

Mutungamiri werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union Amai Mayiwepi Jiti vanoti kuti varimi vawane zvikwanisiro zvekurimisa vanofanirwa kuyamurwa nevemabhangi sezvaiyitika nguva yakare.

WFP iyo yashanda muZimbabwe kwemakore makumi maviri inoti donzvo rayo nderekubatsira hurumende kuti ipedze dambudziko renzara munyika gore ra2030 risati rasvika pasi pechirongwa chepasi rose chinonzi "Ending hunger by 2030".

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG