Accessibility links

Breaking News

Vatori veNhau Makumi Matanhatu neVanomwe (67) Vakaurayiwa muna 2022


Sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau reCommitee to Protect Journalist rine muzinda muNew York rinoti kuurayiwa kwevatori venhau pasi rose kwakawedzera nezvikamu makumi mashanu kubva muzana (50%)gore rapera zvichikonzerwa nehondo nekusagadzikana kuUkraine, Mexico neHaiti.

Vatori venhau makumi matanhatu nevanomwe vakauraya muna 2022 chete. Pavatori venhau vakaurayiwa ava, makumi matatu nevashanu vakaurayiwa muhaiti, Ukraine neMexico. MuUkraine makaurayiwa vatori venhau gumi nevashanu, muMexico makaurayiwa vatori venhau gumi nevatatu uye muhaiti makaurayiwa vanomwe.

MuAfrica, vatori venhau vakaurayiwa musomalia, Kenya, Chadne Central African Republic.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG