Accessibility links

Breaking News

Botswana Yotaura neZimbabwe Kuti Iwane VanaChiremba Vane Hunyanzvi


Chipatara chePrincess Marina Hospital mu Gaborone, Botswana
Chipatara chePrincess Marina Hospital mu Gaborone, Botswana

Botswana inoti iri kutaura nehurumende yeZimbabwe kuti ikwanise kupihwa nvumo yekupa basa vanachiremba vemunyika vane hunyanzvi hwepamusoro soro. Zimbabwe yagara hayo iina vanachiremba vakadai vashoma sezvo vamwe vari kuenda kunze kwenyika kunotsvaga mafuro manyor.

Izvi zvabuda pamusangano waitirwa muguta reFrancistown nhasi mangwanani wekugamuchira zviri pamutemo vanamazvikokota makumi matanhatu vekuCuba, avo vakasvika muBotswana muna Zvita gore rapera kuzoshanda munyika iyi kwemakore maviri.

Mutevedzeri wemunyori mukuru mubazi rezvehutano muBotswana, Dr. Tshepo Machacha vati nyika yavo ichabatsirikana zvikuru ikakwanisa kuwana vanachiremba vekuZimbabwe ava.

Dr. Machacha vaenderera mberi vachiti Botswana iri kutarisira kupinza basa vashandi wehutano gumi nevashanu.

Muvashandi whutano gumi nevashanu vari kutarisirwa ava, Dr. Machacha vati vashanu vavo ndivana chiremba vane hunyanzvi hwevana, hwekuchengeta vakazvitakura, hwemabhonzo nezvimwewo.

Vanoona nezvekuburitswa kwemashoko mubazi rezvehutano, VaDonald Mujiri havana kuramba kana kubvuma kuti pane nhaurirano pakati penyika mbiri asi vati titaure nevebazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika.

Studio7 haina kunzwa divi rebazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika sezvo gurukota rebazi iri, VaFrederick Shava vanga vasingadaire nharembozha yavo kusvika taenda pamhepo.

Gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima vaudza Studio7 parunhare vari muHarare kuti hurumende iri mubishi kugadzirisa hurongwa huri pamutemo hwekuti Zimbabwe ikwanise kutumira vashandi kuBotswana nedzimwe nyika dzakawanda pasi rose.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano, VaMoses Phuthuma vanoti Botswana iri kutsiva nzvimbo dzakasiiwa nezvizvarwa zvenyika iyi zvakawana mukana wekunoshanda kuUnited Kingdom nedzimwe nyika kuEurope.

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevashandi vezvehutano reBotswana Nurses Union rakazivisa mwedzi wakapera kuti vanamukoti vekuBotswana vanosvika mazana manomwe vakanyoresa kunoshanda kuUK.

Asi muZimbabwe macho zvinhu hazvina kumira zvakanaka sezvo sachigaro weHealth services Board Dr Paulinus Sikosana vakaudza Studio 7 gore rapera kuti vanachiremba, vakoti nevamwe vanoshanda muzvipatara zvikuru vakabuda munyika vachinotsvaga mafuro manyoro kubva muna 2021.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG