Accessibility links

Breaking News

Muzvare Mahere naVaSikhala Vomiswa Pamberi peMatare


Muzvare Fadzayi Mahere
Muzvare Fadzayi Mahere

Kutongwa kwemumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, panyaya yekunzi vakakurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati muna 2020 kwaenderera mberi mudare ramejasitiriti muHarare nhasi uye vakafanobata chigaro chemutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere vanga vachitongwawo nenyaya yavanonzi vakaburitsa mashoko emanyepo.

Mupurisa akaferefeta nyaya pamhosva iri kupomerwa VaSikhala yekunzi vakakurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga muna Chikunguru 2020, VaEdmore Runganga, vaudza dare kuti mashoko akashandiswa naVaSikhala pavhidhiyo nemazwi akatapwa pahurukuro yavakaita paindaneti nesangano renhau reZimeye anoratidza kuti VaSikhala vakakurudzira mhirizhonga.

VaRunganga vati izwi rakashandiswa naVaSikhala rekuti “fight” mumashoko avanonzi vakataura muvhidhiyo iyi iyo inobuda VaSikhala vari musango rinoreva kuti VaSikhala vaikurudzira mhizhonga.

Vati mashoko akataurwa nemutori wenhau weZimeye mumashoko akatapwa nesangano iri muhurukuro yaro naVaSikhala ekuti VaSikhala vave nemakore makumi maviri nerimwe vachirwira vanhu vemuZimbabwe uye kukurudzira kwavakaita kuti veruzhinji vatevere mutsoka dzevaimbova mutungamiri weCuba, VaFidel Castro, anoratidza kuti VaSikhala vaikurudzira veruzhinji kuti vapandukire hurumende.

VaRunganga vati zvakataurwa naVaSikhala kuti vakanga vakumbirwa nebato reEFF Zimbabwe kuti vatsigire kuratidzira kwaida kuitwa nebato iri kumuganhu weZimbabwe neSouth Africa kuri kudivi reSouth Africa ndeumwe munongedzo wekuti VaSikhala vaida zvemhirizhonga. Asi rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bamu vati dare remuno haringakwanise kutonga nyaya dzekuSouth Africa.

VaBamu vatiwo mhosva iri kupomerwa VaSikhala ndeyekufungidzira sezvo vachiti hapana chinobatika chekuti VaSikhala vanganzi vakapara mhosva.

Vachibvunzurudzwa nemuchuchisi wenyaya iyi, Muzvare Tendai Shonhai, VaRunganga vati vaziva VaSikhala kwemakore uye vati musiyano uripo pamazwi anonzi ndeaVaSikhala ari pavhidhiyo nepa mashoko akatapwa wakakonzerwa nekuti mashoko akatapwa aya akatapwa pavaitaura panhare.

Mutongi we wedare ati nyaya iyi igodzoka kudare neMuvhuro mushure mekunge vachuchisi vati vakabatikana masikati anhasi kuti nyaya ienderere mberi. VaBamu vati havasi kufara nekunonoka kufamba kuri kuita nyaya iyi.

VaSikhala vari kutarisirwawo mudare mangwana pane imwe nyaya yavanonzi vakakurudzira mhirizhonga zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa imwe nhengo yebato reTripple C yekuNyatsime, Muzvare Moreblessing Ali, nevanofubgidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakatobvuma mhosva iyi mudare.

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, kutongwa kwevakafanobata chigaro chemutauriri weCCC, Muzvare Fadzayi Mahere pamhosva yekunzi vakaburitsa mashoko emanyepo kwaenderera mberi nhasi.

Muzvare Mahere vari kupomerwa mhosva yekunzi vakaburitsa mashoko ekuti pane mwana ane makore maviri akafa mushure mekurohwa nemapurisa pakanetsana mapurisa nevamakombi muHarare muna 2021.

Gweta raMuzvare Mahere, VaChris Mhike, vanotsanangura zvaitika mudare. Mapurisa akazoburitsa mashoko achiti mwana uyu haana kufa. Mumwe akasungwa nemhosva iyi mutori wenhau Hopewell Chin’ono uyo akawanikwa asina mhosva nematare mushure mekunge hurumende yakawanikwa ichishandisa mutemo wakabviswa mumagwaro emitemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG