Accessibility links

Breaking News

Vakuru muHurumende yeAmerica Voshanyira Africa Asi Vachinyenyeredza Zimbabwe


US Treasury Secretary Janet Yellen
US Treasury Secretary Janet Yellen

Gurukota rinoona nezvehupfumi muAmerica Amai Janet Yellen vari muSouth Africa nhasi umo vari kuita hurukuro nemutungamiri wenyika iyi VaCyrl Ramaphosa uye mapazi akasiyana siyana mukusimudzira mabasa ekudyidzana munyaya dzezvehupfumi nekuchengetedza mhuka nekurwisa vanotengesa zvinodhaka.

Nhasi vanyorerena chibvumirano neSouth Africa chekudyidzana munyaya dzekuona kuti mhuka hadzisi kuvhimwa zvisiri pamutemo.

Amai Yellen vakatoshanyira Zambia neSenegal. America yakazivisa zvekare kuti nhumwa yayo kuUnited Nations Ambassador Linda Thomas-Greenfield vachange vachishanyira nyika dzinoti Ghana, Mozambique ne Kenya kubva nhasi kusvika musi wa29 mwedzi uno.

Asi vakuru muhurumende yeAmerica vari kunyenyeredza Zimbabwe iyo ine vatungamiri vakatemerwa zvirango vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo.

Asi hurumende yeZimbabwe ichiti zvirango zvakatemerwa nekuti yakatora minda kubva kuvachena ichipa vatema.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Doctor Prosper Chitambara vanoshanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute vaudza Studio7 kuti Zimbabwe inofanirwa kuvandudza mitemo yezvehupfumi nezvematongerwo enyika kuitira kuti ikwezve nyika dzakaita seAmerica iri kuuchika mari zhinji dzekuita mabhizimusi muAfrica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG