Accessibility links

Breaking News

Nhepfenyuro yepaDandemutande yePSTV Yotandadza Veruzhinji Kuburikidza neMitambo yeMakatuni


Mukuru wePSTV, Paul Blessing Gora
Mukuru wePSTV, Paul Blessing Gora

Vakawanda vakarasikirwa nemabasa munguva yakapisa denda reCovid-19 vakafunga kuti hupenyu hwavo hwakanga hwatoguma, asi kune mukomana wechidiki, Paul Blessing Gora, uyo ari kuEastern Cape muSouth Africa, akatoona uyu semukana wekutanga nhepfenyuro yake yepadandemutande, yePeople’s Social Television, kana kuti PSTV Entertainment.

Nhepfenyuro iyi inoshandisa makatuni kutandadza vanhu nemitambo inotyora mbabvu yakasiyanasiyana asi ichidzidzisa veruzhinji sezvo mitambo iyi ichibata zvinosangana nevanhu muhupenyu hwavo zuva nezuva, zvingave zvematongerwo enyika, zvehupfumi, zverudo kana zvekurarama.

Mumitambo iyi Gora, uyo ane makore makumi maviri nemasere (28), ndiye anenge ari Madzibaba Sibhineji uye zvakare ari Reggae, chikomana chepa Australia.

Vamwe vaanobata navo vanosanganisira Gilbert Bvure, uyo anenge ari Chikombero kana kuti CCC ari zvakare Madzibaba Garwe naAchimwene, kouya Stanley Tinotenda Muchenje uyo anenge ari Samutoko, kwouyawo Sharon Bvure uyo anenge ari Madzimai Getrude naMadzimai Febbie, kuchitiwo Charity Madzemwa uyo anenge ari Mai Oshomoli. Sibusiso Moyo ndiye anenge ari Violin mumitambo iyi.

Kuburikidza nemitambo yavo yemakatuni iyi, vatambi ava vave kukwanisawo kuwana mabasa ekushambadza akasiyanasiyana zvingave zvehutano, yambiro kana dzidziso.

PSTV Entertainment
PSTV Entertainment

Gora anoti pakutanga mitambo yavo yainge isina vakawanda vechikuru vaiitevera sezvo vaiti makatuni ndeevana vadiki, asi iye zvino vanhu vave kutononokerwa nekumirira zvitsva zvavanenge vabura nechikwata chake.

Anoti ane tarisiro yekuti nerimwe gore basa rake richakura zvekubata Africa yose uye kuwanisa vamwe vatambi mabasa.

Gora akaberekerwa nekukurira mumusha weEpworth uri muHarare, uye anoti haana kumbobvira aita zvidzidzo zvemakombiyuta paaive kuchikoro kusvika azowana mukana wekuenda kuSouth Africa, uko akazotanga kuita zvidzidzo zvepadandemutande zveFilm and Animation.

Anoti ane shuviro yekuti nerimwe zuva mitambo yake inge ichizoburitswawo panhepfenyuro yeZ-B-C muZimbabwe nyika yose ichiiona.

Vanoda kumubata vanokwanisa kufona panhamba dzinoti +27 74 219 5797, uye vanoda kuona mitambo yake vanokwanisa kuiwana padandemutande reYouTube pasi pezita rekuti PSTV Entertainment.

Hurukuro naPaul Blessing Gora
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG