Accessibility links

Breaking News

Masangano Akazvimirira Anodarika Mazana Maviri (291) Otorerwa Marezinesi neHurumende


Muzvinafundo Paul Mavima
Muzvinafundo Paul Mavima

Hurumende inoti yakakanzura marezinesi emasangano mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nerimwe kana kuti 291 akatyora mutemo wePrivate Voluntary Organization Act. Asi sangano guru rinomirira masangano akazvimirira reNon-Governmental Organizations kana kuti NANGO rinoti hapana nhengo dzaro dzakatorerwa marezinesi.

Gurukota rinooa nezvemagariro evanhu Muzvinafundo Paul Mavima vaudza Studio 7 kuti zvakakosha kuti masangano akazvimirira oga ashande achitevedzera mutemo vakati vakatorerwa marezinesi vakagara vayambira asi vakasaita zvavaitarisirwa kuita.

Mamwe masangano akatorerwa marezinesi anosanganisira, Willie Musarurwa Memorial Trust, Society for the Prevention of Cruelity to Animals, Kariba Interdenominational Church, Zimbabwe Student Christian Movement, Women Institute Karoi ne Mhangura Çommunity Service.

Mukuru wesangano guru remubatanidzwa wemasangano akazvimiririra reNANGO VaEarnest Nyimai vaudza Studio 7 kuti hapana sangano riri mugungano ravo iri ratorerwa rezinesi.

Asi vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika VaRejoice Ngwenya vanoti vanoti chinangwa chehurumende kuda kityisidzira masangano anoshanda akazvimirira kuti vasashoropodze hurumende.

Izvi zvatsigirwa nemukuru weCentre for Natural Resource Governance VaFarai Maguwu vanoti zviri kuita hurumende hazvisi pabumbiro remutemo mukuru wenyika.

VaMaguwu vanoti hurumende iri kuedza nepainogona napo kuderedze huwandu hwemasangano anoshanda akazvimirira.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaKindness Paradza vanoti hurumende iri kungotevedzera mutemo uye vane magwaro avo akachena havafanirwe kutya.

Hurumende iri pakati kuda kupasisa mutemo wekuvandudza mashandiro emasangano akazvimirira kana kuti PVO Amendment Bill iro rave mudare reSenate. Bhiri iri rakatopasa mudare reparamende mwedzi wapera. Vaopikisa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu ari kushora zvikuru nyaya yekud kuvandudza bhiri iri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG