Accessibility links

Breaking News

VaRamaphosa Votarisirwa Kuita Musangano neGurukota remuAmerica Amai Yellen


Amau Janet Yellen
Amau Janet Yellen

Mutungamiri wenyika yeSouth Africa VaCyril Ramaphosa mangwana vari kutarisirwa kuita hurukuro negurukota rinoona nezvehupfumi muAmerica Amai Janet Yellen vari kushanyira nyika nhatu dzemuAfrica.

Amai Yellen vakatoenda kuSenegal neZambia. Vari kutarisirwa kutaura kuti vangasimbaradze sei kudyidzana munyaya dzezvehupfumi uye kugadzirisa dambudziko rezvemhando dzemoto ranetsa kuchamhembe kweAfrica.

Kushanya kuAfrica kwaamai Yellen kuchateverwa nekushanyawo kwemumiriri weAmerica kuUnited Nations Amai Linda Thomas-Greenfield kutanga nemusi wesvondo kuGhana, Mozambique, neKenya.

Hurumende yaVaBiden iyo yakaita musangano mukuru nevatungamiri venyika dzemuAfrica mwedzi wapera muWashington ikati iri kuda kusimbaradza kudyidzana nenyika dzemuAfrica.

Kunyangwe dzimwe nyika dziri kutsigira Russia muhondo neUkraine, America yakati haisi kuzomanikidza nyika dzisingadi kutsigira Ukraine.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG