Dzimwe nyanzvi mune zvehupfumi dziri kupembedza danho rakaziviswa nebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rekuti rakakwanisa kubhadhara zvikwereti zvaro zvose kune vakabudirira kutenga mari yekunze pamusika wemari yekunze webhanga iri.
Nyanzvi idzi dzinoti danho iri rakanaka chose nekuti rinounza chivimbo munyaya dzezvehupfumi hwenyika pamwe nekuwanisawo makambani mari dzekuti awedzere zvigadzirwa zvawo, izvo zvinobatsirawo vashandi kuti varambe vari pamabasa.
R-B-Z yainge ichimbotatarika kuwanisa mari vanenge vabudirira pamusika wayo wemari yekunze uyu izvo zvaiita kuti vamwe vatore mwedzi yakawanda vasati vawaniswa mari dzavanenge vakatenga.
Bhanga guru iri rinoti rakakwanisa kuita izvi nekuda kwekuwedzera kwehuwandu hwemari yekunze iri kupinda munyika.
Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti iri idanho rakanaka chose rakatorwa neRBZ szvo riri rimwe rematanho ari kutorwa nebhanga guru muhurongwa hwaro hwekuedza kuvandudzwa hupfumi hwenyika.
Asi dzimwe nyanzvi pamwe nevashandi vanoti havaoni izvi zvichibatsira zvakanyanya sezvo chivimbo chisingaunzwi nekukwanisa kubhadharwa kwezvikwereti nebhanga iri, asi kuti chinounzwa chete nemashandiro akanaka ebhanga renyika iri ayo anoita kuti hupfumi hwenyika hugadzikane.
Vanoongorora zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti zvakanaka kuti RBZ yakakwanisa kubhadhara chikwereti chayo, asi havaoni izvi zvichizounza chivimbo munyaya dzehupfumi hwenyika sezviri kutarisirwa .
Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanotiwo chinofanirwa kuratidza kuti munyika mave nemari yekunze sezviri kuziviswa neR-B-Z izvi kuwanikwa kwemishonga muzvipatara, vachiti ndizvo zvinofanirwa kutungamidzwa mberi nehurumende.
Ukuwo munyori mukuru werimwe sangano rinomirira vashandi, reZimbabwe Federation of Trade Unions, ZFTU, VaKennias Shamuyarira, vanoti izvi zvinhu zvagara zvichiitwa nebhanga guru zvekuti rinobhadhara zvikwereti zvaro asi zvisina chiyamuro kuvashandi.
VaShamuyarira vanoti mari idzi dzichangoramba dzichitambwa senjuga kumusoro ikoko dzisingazosviki kumakambani kuti dzigozobatsirawo vashandi kuti varambe vari pamabasa kana kukwanisa mabasa matsva.
Saka chii chinofanirwa kuitwa nebhanga guru reReserve Bank of Zimbabwe kugadzirisa matambudziko ari kubata makambani nevashandi? VaShamuyarira vanoti R-B-Z inofanirwa kubvumidza kuti mari yekunze iwanikwe mumabhanga anochinja nekutengesa mari dzenze kuitira kuti vanoda kutenga vanongoendako vasingamiriri kuita kuvhurirwa nebhanga guru iri.
Vamwe vanoongorora zvehupfumi vanoti vanotyira kuti kuwaniswa kwemari uku kunogona kukanganiswa zvakare nevamwe vanozoguma votengesa mari idzi pamusika mutema vachityora mutemo.
R-B-Z yakazivisawo kuti ichatevedzera mitemo inobata mafambisirwo emari dzekunze, kana kuti Foreign Exchange Auction Rules, iyo inosungira kuti vanenge vabudirira kutenga mari pamusika wemari yekunze vawaniswe mari dzavo mukati memazuva gumi nemana.
Bhanga guru rakati izvi zvichabatsira kuti mutengo wedhora rekunze urambe wakagadzikana, izvo zvinozoitawo kuti hupfumi hwenyika hugadzikane.
Asi dzimwe nyanzvi dzehupfumi dzinoti dzinotenda maruva dzadya chakata.
Facebook Forum