Accessibility links

Breaking News

Mupurisa Ari Kuda Kuroverera VaSikhala neMhosva Otatarika Mudare


Lawyer Beatrice Mtetwa with Job Sikhala and Hopewell Chin'ono

Kutongwa kwemumiriri weZengeza West muparamende, Job Sikhala, avo vari kupomerwa mhosva yekuda kukurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga mukati muna Chikunguru 2020 kwaenderera mberi nhasi mupurisa akaferefeta nyaya iyi, VaEdmore Runganga, vachienderera mberi nekupa humbowo kudare.

VaRunganga vaudza dare kuti havana kufambisa basa ravo zvakanaka mukuferefeta nyaya iyi sezvo vakanyora masitatimende akasiyana-siyana panyaya iyi. Vaenderera mberi vachiti VaSikhala vaive nechinangwa chekukurudzira veruzhinji kuti vapandukire hurumende yaVaMnangagwa kubuditsa nekuratidzira uku.

Rimwe remagweta aVaSikhala, VaJeremiah Bamu, vanotsangura zvaitika mudare panyaya iyi.

Mutongi wedare panyaya iyi, Amai Vongai Muchuchuti Guwuriro vati nyaya iyi igodzoka kudare mangwana.

Kuratidzira kwemuna Chikunguru 2020 uku uko kwakanga kwashevedzerwa nemutungamiri weJuly 31st Movement, VaJacob Ngarivhume, kwakatadza kubudirira mushure mekunge VaNgarivhume nevamwe vasungwa. Magweta anotiwo pasi pemutemo wenyika, vanhu vane kodzero yekuratidzira murunyararo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG