Accessibility links

Breaking News

VaChamisa Voshora VaMnangagwa Vachiti Vari Kushungurudza Nhengo dzeCCC


VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa
VaNelson Chamisa naVaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change, VaNelson Chamisa, nhasi vashora hurumende yaVaEmmerson Mnangagwa nekushungurudza kwavanoti iri kuita hengo dzebato ravo nechinangwa chekuti bato iri risararame.

VaChamisa vataura izvi pamatare edzimhosva kwanga kuchinzwikwa chikumbiro chenhengo dzebato ravo chekuti dzipihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yadziri kupomerwa yekunzi dzakaita musangano usiri pamutemo dzinenge chinangwa chekukurudzira mhirizhonga.

Vachitaura nevatori venhau mushure mekumbopinda mudare vachiteerera chikumbiro ichi, VaChamisa vati VaMnangagwa vave kutevera mutsoka dzevakambotungamira nyika VaIan Smith pamwe naVaRobert Mugabe pakutyora kodzero dzevanhu nekushungurudza vemapato anopikisa. Asi VaChamisa vati izvi zvave kusvika kumagumo pachaitwa sarudzo dzegore rino.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba, kuti tinzwe divi remutungamiri wenyika panyaya iyi sezvo vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakaudza Studio 7 nguva pfupi yadarika kuti munhu anomira nemhosva yake mumatare pasingatariswe kuti abuda mumba maani.

Mudare, magweta evasungwa ava, avo vanosanganisira mumiriri weBudiriro muparamende, VaCosta Machingauta pamwe nemumiriri weMkoba mudare iri, VaAmos Chibaya, akumbira dare kuti ripe vasungwa ava mukana wekutongwa vachibva kudzimba dzavo achiti hapana zvikonzero zvinonwisa mvura zvinoita kuti vasungwa ava vanyimwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Magweta aya ati vasungwa ava vanhu vari kushungurudzirwa kuti inhengo dzebato reCCC uye hainganzi imhosva kuti vakaita slogan yebato ravo sezvo nhengo dzeZanu PF dzichingoitawo ma slogan ebato radzo pasina zvipomerwa.

Magweta aya atiwo madzimai mazhinji ari pakati pevasungwa ava vanhu vane vana vari muzvikoro varikuda kuriritirwa uye ati vamwe vevasungwa ava vane zvirwere zvakasiyana-siyana zvingangokomba kana vakaramba vari muhusungwa vasingaonekwe nanachiremba vavo.

Magweta aya aenderera mberi achiti hazvinganzi vasungwa ava vaive nechinangwa chimwechete sezvo vakasungirwa panzvimbo dzakasiyana.

Asi vachuchisi venyaya iyi avo vanga vachitungamirwa naVaZebadiah Bofu vati vasungwa ava vanogona kuvhiringidzana nevafakazi kana vakapihwa mukana wekubvisa mari yechibatiso sezvo vazhinji vavo vari vagari vemuBudiriro mavakasungirwa vachiita musangano wavo.

Vachuchisi vatiwo pane vamwe vanhu vane chekuita nenyaya iyi vasati vasungwa zvavati zvinogona kuita kuti mapurisa agonetsekana nekuferefeta nyaya iyi.

Rimwe remagweta evasungwa ava, VaWilbert Mandinde, vatenda kuti vapedza kusvitsa chikumbiro chavo.

Mutongi wedare, Muzvare Yeukai Dzuda, vati vachatura mutongo wavo pachikumbiro ichi neChishanu.

Vasungwa ava vakasungwa vari kumba kwaVaMachingauta kuBudiriro kwavavonzi vaiita musangano usiri pamutemo vaine chinangwa chekukurudzira mhirizhonga. Asi vasungwa ava, avo vanoti vaiita musangano wekomiti yebato ravo yePresidential Assembly, havasungirwe nemutemo weMaintenance of Peace and Order kutsvaga mvumo yekuita musangano sewavaiita kana usiri musangano neveruzhinji.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG