Accessibility links

Breaking News

CCC Yosvitsa Gore VaChamisa Vachiti Vafamba neNdima Kunyangwe Miseve Iri Kuvatevera


VaNelson Chamisa
VaNelson Chamisa

Bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, nhasi rasvitsa gore raumbwa uye rinoti rakagadzirira kuumba hurumende inotevera pamwe nekuunza shanduko muZimbabwe.

Asi vamwewo vanoti hazvina kujeka kuti bato iri richakunda sei sezvo risina hwaro kana hutungamiriri mumatunhu ese munyika.

Mutungamiri weCCC VaNelson Chamisa vanoti vari kufara nezvakwanisa kuitwa nebato ravo pangopera gore vari parura.

VaChamisa vachema chema havo kuti bato ravo riri kusangana nezvimhingamupinhyi zvakawanda kusanganisira kupondwa kwenhengo dzavo dzkaita saVaMboneni Ncube uye Muzvare Moreblessing Ali nevanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu-PF.

VaChamisa nevamwe vavo vakaumba CCC gore rapfuura mushure mekusiyana nebato reMovement for Democratic (MDC) zvichitevera mutongo wedarere Supreme Court uyo wakati VaChamisa vainge vapinda pahutungamiriri weMDC zvisiri pamutemo.

Asi vamwe vanopoesana maonero nebato reTripple C vakaita saVaPeacefuli Sibindi vanoti bato iri rine zinyekenyeke sezvo risina bumbiro remutemo uye hutungamiri hwakajeka.

Izvi zvatsnhirwawo nemushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko mubato reZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio 7 kuti.

Vanoongorora nyaya dzematongerwo enyika vachishanda nesangano reZimbabwe Democracy Institute, VaBekezel Gumbo vaudza Studio 7 kuti vanoona sekuti CCC yakarongeka uye inotove nehwaro kunyangwe hazvo izvi zvisina kuzivisa kuvanhu vese.

Pari zvino CCC ine nhengo gumi nepfumbamwwe dzeparamende uyewo inoti ichakwikwidza sarudzi dzegore rino asi inoda kuti mitemo yesarudzo ivandudzwe kuti pave nesarudzo dzakajeka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG