Accessibility links

Breaking News

VaHichilema Voita Musangano neGurukota reHupfumi muAmerica Amai Yellen


Amai Yellen naVaHichilema
Amai Yellen naVaHichilema

Gurukota rinoona nezvemari muAmerica Amai Janet Yellen vari muZambia nhasi vachiita musangano nemutungamiri wenyika iyi VaHakainde Hichilema mushure mekushanyira Senegal.

Amai Yellen vari kuda kukurudzira kudyidzana kwenyika yavo nenyika dzemuAfrica. MuZambia mavari nhasi mune mabhizimisi akawanda nezvivakwa zvakavakwa nemakambani ekuChina kusanganisira nhandare yendege yeKenneth Kaunda International Airpot.

Vaive mutungamiri weZambia VaEdgar Lungu nevashandi kubva Aviation Industry Corporation of China-Lusaka, Zambia, 2018.
Vaive mutungamiri weZambia VaEdgar Lungu nevashandi kubva Aviation Industry Corporation of China-Lusaka, Zambia, 2018.

Asi vanoongorora nyaya dzezvehupfumi vanoti zvivakwa zvezvizvarwa zveChina izvi zviri kuuya nezvikwereti zvakanyanya kunyika yeZambia. Kubva zvakatanga kupararira chirwere cheCovid-19, Zambia yakave nyika yekutanga muAfrica kutadza kubhadhara chikwereti kana kuti bond chemari inodarika mamiriyoni makumi mana kana kuti 42, 2 million muna 2020 uye iri kuyedza kutsvaga nzira dzekubhadhara mari iyi.

Vakawanda vakaisa ziso ravo panhaurirano dzeChina neZambia kuona kuti China inonzwira tsitsi here vane zvikwereti sezvo nyika dzakawanda muAfrica nepasi rese dziine zvikwereti kuChina.

Amai Yellen vanoti America iri kuda kuunza bhizimisi kuAfrica risingasiye nyika dzotambura nezvikwereti zvadzinenge dzichikundikana kubhadhara.

Vanotiwo zvikwereti zvinofanira kunge zvakajeka kuti zvinobhadharwa sei. Amai Yellen vashanyirawo dura remishonga reMylan Laboratories rakavakwa nekambani yekuAmerica yeViatris. kambani iyi inogadzira mishonga yekurapa HIV nemalaria.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Elliot Masocha vaudza Studio 7 kuti misangano yaAmai Yellen yakakosha mukusimudzira kudyidzana pakati peAfrica neAmerica munyaya dzezvehupfumi,

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG