Accessibility links

Breaking News

Dhora reMunyika Rotanga Gore Nekushaya Huremu Zvakanyanya


Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya
Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvinafundo Gift Mugano vanoti mimwe mitemo yakadzikwa neRBZ kusanganisira kuwedzera zvakanyanya mutero wekukwereta mari kumabhanga yave kutopa kuti dhora remunyika rirambe richishaya simba zvodzerera kumashure hurongwa hwehurumende hwekudzora dhora iri nekumisa kushandiswa kwere kuAmerica.

Makambani akana achida kukwereta mari kumabhanga anozobhadhara mutero unenge wakapetwa nemazana maviri kubva muzana kana kuti 200%.

Svondo rapera, pamusika weRBZ Foreign Exchange Auction, dhora remunyika raitengeswa nemadhora mazana manomwe nemakumi matatu nemaviri kana kuti US$1: ZWL 732.

Asi masvondo maviri adarika raitengeswa nemadhora zana nemashanu kana kuti 705 padhora rekuAmerica (US$1: ZWL 705). Pamusika wemukoto, dhora rekuAmerica riri kutengwa nemadhora emunyika chiuru chimwe chete kana kudarika (US$1;1000).

Gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vakati chinangwa chavo ndechekuti panopera makore mashanu, Zimbabwe inenge yoshandisa dhora rayo. Asi dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti zvinenge zvakona n’anga murapwa achida.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG