Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Achiri Kutsvaga Vanhu Gumi neVanomwe Vane Chekuita neKurohwa kweNhengo dzeCCC kuMurehwa North


Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi.
Mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi.

Mapurisa eZimbabwe Republic Police anoti achiri kutsvaga vamwe vanhu gumi nevanomwe (17) vanonzi vane chekuita nemhirizhonga yekuMurehwa North, uko nhengo dzebato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change dzakarohwa zvakaipisisa pamwe nekushungurudzwa nevanofungidzirwa kuti vatsigiri veZanu PF masvondo maviri adarika.

Mutauriri wemapurisa nyika yose, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti vatatu vakasungwa panyaya iyi vakatomiswa pamberi pematare edzimhosva.

VaNyathi vatiwo mapurisa ari kukurudzira veruzhinji kuti vamhan'gare kumapurisa vanhu vavanoziva kuti vane pfuti dzinogona kunge dzisina kunyoreswa.

Izvi zvinotevera kukwira kwehuwandu hwemhosva dziri kuparwa munyika pachishandiswa pfuti.

Hurukuro naAssistant Commissioner Paul Nyathi
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG