Accessibility links

Breaking News

National Council yeMDC Inosunga Kuti Vakambomiswa Kuve Nhengo dzeBato Vamiswe Pamberi peKomiti Inoranga Nhengo dzeBato Dzinotsautsira


VaElias Mudzuri nedzimwe nhengo nhanhatu vakambomiswa kuve nhengo dzeMDC asi vari kupikisa danho iri.
VaElias Mudzuri nedzimwe nhengo nhanhatu vakambomiswa kuve nhengo dzeMDC asi vari kupikisa danho iri.

National Council yebato reMDC inotungamirirwa naVaDouglas Mwonzora yasangana muHarare nhasi kuti nhengo nomwe dzakambomiswa kuve nhengo svondo rino dzipiwe mukana wekumira pamberi pekomiti inoranga nhengo dzinenge dzatsaudzira, kana kuti disciplinary committee, dzichizvivhikira dzega zvipomerwa zviri kupotserwa kwadviri zvekuti dziri kuzvidza bato.

MDC yakambomisa nhengo nomwe dzinoti vaive mutevedzeri wemutungamiri webato VaElias Mudzuri, VaNorest Marara, VaGift Konjana, VaJohn Nyika, VaDen Moyo, VaEdwin Dzambara, pamwe naVaEdwin Kakora, dzichipomerwa mhosva yekutyora bumbiro remitemo yebato, kuita misangano iri kunze kwemutemo, uye kuzvidza bato.

Asi nhengo idzi dzakapikisa kumbomiswa kwadzo kuve nhengo uku ndichiti vaidzimisa vacho vakanga vasina kusarudzwa zviri pamutemo.

Vanomwe ava vakaburitsa gwaro vachiti pasi pebumbiro remitemo yeMDC, mutungamiri webato pamwe nasachigaro webato vanofanirwa kusarudzwa pakongiresi, uye havacherechedze kongiresi yakaitwa muna Zvita wegore rapera.

Vakati nekuda kwezvikonzero izvi, zvinoreva kuti zvigaro zvemutungamiri webato, sachigaro pamwe neStanding Committee hazvina vanhu nanhasi.

Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora
Mutungamiri weMDC, VaDouglas Mwonzora

Mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muMDC, VaChengetai Guta vanoti imwe nhau huru yazeyiwa nekomiti yepamusoro iyi yanga iri yekupedzisa basa ravanoti rakasarira pakaitwa kongiresi yebato iri muna Zvita wegore rapera.

VaGuta vanoti bato ravo rakakundikana kupedzisa basa raro rekongiresi kuburikidza nekuti nguva yavakanga vakapiwa maringe nezvematongerwo enyika yakaita shoma zvekuti havana kuzokwanisa kupedzisa kuita zvose zvaidiwa zvakaita sekunatsurudza bumbiro remitemo yebato iri.

Vanoti zvimwe zvikuru zvasungwa neNational Council yebato ravo zvinosanganisira chisungo chekuti zvive pamutemo kuti matunhu, kana kuti ma province, ave nemasimba ekudoma vatungamiri.

Hurukuro naVaChengetai Guta
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:55 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG