Accessibility links

Breaking News

Muimbi weChidiki, Kudzai Chikwari Kana Kuti Kays Kid, Opika Kuti Haasi Kuzodzora Tsvimbo muNyaya dzeMagitare


Kays Kid
Kays Kid

Muchirongwa chedu chemagitare chesvondo rino taita hurukuro nemuimbi wechidiki achiri kusimukira, Kudzai Chikwari, uyo anozivikanwa neremagitare rekuti Kays Kid.

Kudzai ane nziyo itsva dzinoti “Doricah” na “Pfuma yaBaba” idzo anoti dziri kutandadza vanhu pari zvino.

Kays Kid picture
Kays Kid picture

Mukomana uyu anoti akakura achingotamba nemagitare uye nekunyora nziyo kusvika azotangawo kunotsikisa dzake mugore ra2018.

Kays Kid anoti kubva ipapo haana kuzombodzokera kumashure, achiti anofara nematambirirwo ari kuitwa mimhanzi yake neveruzhinji munyika.

Asi anoti sezvinosangana nevaimbi vezera rake vakawanda, ane matambudziko aanoti anosangana nawo anosanganisira kushaiwa mari yekutsikisa nziyo itsva uye kugadzirisa mavhidhiyo kuti agone kushambadza mimhanzi yake zviri nani pamadandemutande akasiyanasiyana kuitira kusvika kune vanhu vakawanda.

Nziyo dzaKudzai dzaanoti dziri kupisa pari zvino dzinowanikwa pamadandemutande anoti YouTube, neFacebook pasi pezita rekuti Kays Kid Music ZW. Anotiwo vanoda kutaura naye vanokwanisa kumubata pamadandemutande aya kana parunhare rwake rwunoti +263 784 951 104.

Hurukuro na Kudzai Chikwari - WOZA FRIDAY
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG