Accessibility links

Breaking News

Dare Rinonzwa Chikumbiro cheNhengo dzeCCC Dzakasungwa kuBudiriro Dziri muHusungwa Chekuti Dzibudiswe muHusungwa


Nhengo dzebato reCCC kuBudiriro dziri mudare.

Chikumbiro chenhengo debato rinopikisa reCitizens' Coalition for Change makumi maviri neshanu dziri kupomerwa mhosva yekuita musangano dziine chinangwa chekukurudzira mhirizhonga chekuti dziburitswe muhusungwa chaenderera mberi nekunzwikwa hurumende ichiramba yakatsika madziro kuti vasungwa ava, avo vanosanganisira nhengo mbiri dzeparamende, havafanire kubuditswa muhusungwa.

Mupurisa ari kuferefeta nyaya iyi, VaGeorge Garauzive, vati vasungwa ava havafanire kubuditswa muhusungwa vachiti vanogona kuzovhiringidzana nevafakazi panyaya iyi avo vavaramba kudoma mudare.

Vachibvunzurudzwa nemagweta evasungwa, VaGarauzive vati havazive kuti makomiti eCCC anobvumidzwa kuita misangano asina kuzivisa mapurisa kana misangano iyi isiri yeveruzhinji, kunyange hazvo vabvuma kuti makomiti eZanu PF akaita sePolitburo haatsvage mvumo kumapurisa kana achiita misangano yawo.

Dare rati nyaya iyi igodzoka zvakare kudare neMuvhuro svondo rinouya apo VaGarauzive vachange vachibvunzurudzwa nevachuchisi venyaya iyi.

Ari kutungamira kuchuchiswa kwenyaya iyi, VaPardon Dziva, vaudza dare kuti vachaunza mukuru wemapurisa epakamba yeBudiriro, asi izvi zvapikiswa nemagweta evasungwa ayo ati mupurisa uyu aiva mudare pese painzwikwa nyaya iyi.

Rimwe remagweta evasungwa ava, VaWilbert Mandinde, vati hurumende yave kutsvaga uta nemugate.

Vasungwa ava, avo vanosanganisira mumiriri weBudiriro muparamende, VaCosta Machingauta nemumiriri weMkoba mudare iri, VaAmos Chibaya, vakasungwa vari pamba paVaMachingauta neMugovera svondo rapera vakapomerwa mhosva yekuita musangano vaine chinangwa chekurudzira mhirizhonga.

Asi vasungwa ava vari kuramba mhosva yavari kupomerwa vachiti havasungirwe kutsvaga mvumo kumapurisa pasi pemutemo weMaintenance of Peace and Order Act, kana vasingaite musangano weveruzhinji.

Mumiriri weZengeza muparamende, VaJob Sikhala
Mumiriri weZengeza muparamende, VaJob Sikhala

Mune imwewo nyaya yanga iri mumatare, mutongi wedare ati nyaya iri kupomerwa mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, yekunzi vakakurudzira veruzhinji kuti varatidzire zvine mhirizhonga muna Chikunguru 2020, igodzoka kudare neMuvhuro.

Rimwe remagweta avo, VaJeremiah Bamu, vanotsanangura nezvenyaya iyi pamwe nedzimwe dzanga dziri mumatare nhasi.

VaSikhala vari kupomerwawo imwe mhosva yekunzi vakakurudzira mhirizhonga pamwe nekukanganisa mafambisirirwo enyaya mumatare zvichitevera kupambwa nekuzopondwa kwakaitwa imwe nhengo yeCCC kuNyatsime, Muzvare Moreblessing Ali, nevanofungidzirwa kuti inhengo yeZanu PF, VaPius Jamba Mukandi, avo vakatobvuma mhosva iyi pamberi pedare.

Bato reCCC rinoti nhengo dzaro dziri kushungurudzwa zvine chekuita nezvematongerwo enyika.

Asi gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakaudza Studio 7 masvondo mashoma adarika kuti munhu anomira nemhosva dzake mumatare pasingatariswe kuti abuda mumba maa

Nyaya yeNhengo dzeCCC ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:42 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

ni.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG