Accessibility links

Breaking News

Mutungamiri weNyika VaMnangagwa Vanosvitsa Gwaro reKutarwa kweMatunhu Pamwe nePfungwa dzeParamende kuZEC


Sachigaro veZEC Amai Priscilla Chigumba vachitambidzwa gwaro rekutarwa kwematunhu nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vadzorera kuZimbabwe Electoral Commission (ZEC) gwaro rekutanga rekutarwa kwematunhu, kana kuti Preliminary Delimitation Report, pamwechete nekurudziro yakabva kudare reparamende pane zvarakati zvinoda kugadziriswa.

VaMnangagwa vati vari kupa ZEC zvakabva kunhengo dzeparamende vachitiwo vachazopawo pfungwa dzavo nezvegwaro iri musi weMuvhuro.

Vachitaura mushure mekutambira gwaro remiganhu iri, sachigaro weZEC, Amai Priscilla Chigumba, vati vachanoongororwa pfungwa dzakapiwa nezvegwaro iri vogadzirisa pavanofunga kuti panoda kugadziriswa, asi vachitiwo ndivo vane masimba ekutara miganhu iyi.

Vawedzerawo vachiti vari kutarisira kuti kupera kwemwedzi uno vanenge vapedza kugadzirisa gwaro rekutarwa kwemiganhu iri.

Vachipindura pamusoro pezviri kunyunyutwa nemapato ezvematongerwo enyika pamwe nedzimwe nyanzvi mune zvesarudzo pamusoro pekwavanoti kusatevedzerwa kwebumbiro remitemo yenyika, iro rinoti vavhoti vanofanirwa kuva vakaenzana mudunhu rega rega (Constituency) uye izvi zvikasaitika havafanirwi kuva vakawandisa kana kushomeka kupfuura zvikamu makumi maviri kubva muzana, Amai Chigumba vati kune vari kunzwisisa nezvemanhamba, kune vasiri kunzwisisa, koitawo vamwe vari kunzwisisa asi vachida kuti zvingonetsa.

Sachigaro veZEC Amai Priscilla Chigumba
Sachigaro veZEC Amai Priscilla Chigumba

Nyanzvi mune zvesarudzo uye vaimboshanda nesangano rakazvimiririra rinonzi International Foundation for Electoral Systems, VaFarai Mukuta, vaudzawo Studio 7 kuti zvakakosha kuti ZEC igadzirise zvinonzi zvinoda kugadziriswa neparamende pamwe nevari mune zvematongerwo enyika.

VaMukuta vatiwo mukugadzirisa zvinoda kugadziriswa, ZEC inofanirwa kuzviita nenguva kuti miganhu iyi ishandiswe pasarudzo dziri kutarisirwa gore rino .

Bumbiro remitemo Yenyika rinoti gwaro rekutarwa kwemiganhu rikasabudiswa mwedzi mitanhatu sarudzo dzisati dzaitwa, miganhu yakashandiswa musarudzo dzapera ndiyo inoshanda.

Bumbiro remitemo yenyika rinotiwo gwaro rekutarwa kwemiganhu iri rinodzoserwa kuZEC kana razeyIwa neparamende pamwe nemutungamiriri wenyika kana pachinge paine zvinoda kugadziriswa.

Asi ZEC ndiyo ine masimba ekubudisa gwaro remiganhu rinozoshandiswa pasarudzo, kana kuti Final Delimitation Report.

Kutarwa kwemiganhu kunoitwa mushure memakore gumi, uye kunoitwa pachishandiswa zvinenge zvabuda mukuverengwa kwevanhu, kana kuti Census, iyo inoitwawo zvakare mushure memakore gumi.

Nyaya ina Rutendo Mawere
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG