Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutikitivha, VaJaiison Muvevi, Vanomiswa muDare Vachipomerwa Mhosva Ina dzeKuponda


Vaimbove mutikitivha, VaJaison Muvevi vachisvika padare.
Vaimbove mutikitivha, VaJaison Muvevi vachisvika padare.

Vaimbove mupurisa kudivi rematikitivha, reCriminal Investigations Department, (CID), VaJaison Muvevi, vamiswa pamberi pedare vachipomerwa mhosva ina dzekuponda uye mbiri dzekuedza kuuraya vamwe vanhu vaviri.

VaMuvevi vamiswa pamberi pedare nhasi mushure mekumboendeswa kuWedza nemapurisa nezuro uko kwavanonzi vakauraya vanhu vatatu svondo rapera vakasiya vakuvadza mumwe munhu zvakaipisisa mushure mekuvapfura nepfuti.

Mapepa ari pamberi pedari anoti VaMuvevi vakapfura ndokuuraya mumwe munhu zvakare muHarare muna Mbudzi wegore rapera.

VaMuvevi vanonzi svondo rapera vakapfura vakauraya mukuru wemapurisa pakamba yeWedza, Inspector Maxwell Hove, mukuru wechechi yeJohane Masowe eChishanu munzvimbo iyi, VaChrispen Mubvana Kasinarune, pamwe naVaMunashe Mujanhi, vanogara mubhuku rekwaMujanhi kuWedza kwakare.

Rimwe remagweta avo, VaSamson Dzingira, vatenda kuti vaudza dzare kuti VaMuvevi vakarohwa zvakaipisisa vari mumaoko emapurisa.

VaDzingira vanoti vatiwo vachasvitsa chikumbiro kudare repamusoro chekuti VaMuvevi vapihwe mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Vaimbove mutikitivha, VaJaison Muvevi vaine mapurisa.
Vaimbove mutikitivha, VaJaison Muvevi vaine mapurisa.

VaMuvevi vari kupomerwawo zvakare mhosva mbiri dzekuedza kuuraya VaTendai Mugova kuWedza mushure mekuvapfura pavakauraya VaHove, uye vanonzi vakaedza kuuraya zvakare VaRaphael Nyahwema vepachikoro cheMutare Boys High School kwaMutate, mushure mekunge VaNyahwema vavanyima zvekudya.

VaMuvevi vakazotizira kuMozambique kwakavakazobatirwa vakadzoswa munyika mapurisa emuno achishanda pamwechete nemapurisa ekuMozambique.

Vanzi nemutongi wedare vagodzoka kudare musi waKukadzi 6.

Mune imwe nyaya, mupepeti webepanhau rekuMasvingo reThe Mirror, Garikai Mafirakureva, haana kuzomiswa pamberi pedare sezvanga zvakatarisirwa mushure mekusungwa kwaakaitwa nezuro achipomerwa mhosva yekubuditsa nyaya inonzi nemapurisa inokanganisa zita rawo.

Gweta raMafirakureva, VaMartin Mureri, vati mapurisa ati achazotumira masamanisi kana achizoda kuenderera mberi nenyaya iyi.

Masangano enhau akaita seMisa Zimbabwe neCommittee to Protect Journalists, CPJ, anoti haasi kufara nekuramba hurumende yeZimbabwe ichishungurudza vatori venhau, zvikuru sei pamberi pesarudzo dzegore rinouya.

Nyaya yaVaMuvevi ina Frank Chikowore
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:22 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG