Accessibility links

Breaking News

Muimbi ane Mukurumbira, Ambuya Stella Chiweshe, Vashaya


Ambuya Stella Chiweshe
Ambuya Stella Chiweshe

Muimbi wenziyo dzechinyakare vari zvakare gwenyambira ane mukurumbira, Mbuya Stella Rambisai Chiweshe, vashaya nhasi mambakwedza vari kumba kwavo muHarare.

Mashoko aburitswa nemukuru weNational Arts Council, VaNicholas Moyo, anoti Mbuya Chiweshe vashaya mushure mekunetseka nechirwere chegomarara repfunga (brain cancer).

Vanga vave nemakore makumi manomwe nemanomwe ekuberekwa (77).

Mbuya Chiweshe vakazvarwa musi waChikunguru 28, 1946, mubhuku rekwaMujumi kuMhondoro.

Vakave mumwe wevaimbi vakasimudzira zvakanyanya musambo wechinyakare kuburikidza nembira kuti usvike pakuzivikanwa nekufarirwa nevakawanda pasi rose sezvave kuitika nhasi.

Mwanasikana wavo, Virgnia Mukwesha-Hetze, uyo anogara kuGermany, anoimbawo zvakare pamwe nekuridza mbira.

Vanhu vanonzi vakaungana kuChinyika, kuGoromonzi. Tichakuzivisai nezvehurongwa hunenge hwaitwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG