Accessibility links

Breaking News

Paramende Yopa VaMnangagwa Zvayakatenderana Pakuganhurwa kweMatunhu neZEC


VaJacob Mudenda
VaJacob Mudenda

Mutauriri wedare reparamende VaJacob Mudenda nhasi,vapa, kuState House, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa gwaro rezvakabva kudare reparamende pane zvinoda kugadziriswa pagwaro rekuganhurwa kwematunhu rakabva kusangano reZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC kuitira sarudzo kana kuti “preliminary delimitation report.”

VaMnangagwa naVaMudenda vaudza vatori vehau kuti zvabva kudare repaamende zvichapihwa ZEC kuti izeye zviri kukurudzirwa nedare iri yozonyora gwaro rekupedzisira richaendeswa kumutungamiri wenyika anozozivisa kutambirwa kwaro kuburikidza negwaro rehurumende reGovernment gazette.

Sachigaro wesangano rinoona nezvesarudzo reZimbabwe Elections Support Network VaAndrew Makoni vaudza Studio 7 kuti kunyangwe nguva yave shoma yasara kuti sarudzo dziitwe, zvakakosha kuti ZEC ibude negwaro rinotambirwa nemapato ose kuti pasaite mutauro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:14 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG